Monday 16 July 2012

Mazita ekupanana mumba


Kazhinji vanhu vanodanana vanopana mazita avanodaidzana nawo. Pamwe mazita awa haazikamwi nevamwe vanhu pamwe anozikamwa. Kana mava nomwana vanhu vemuraini vanokudaidza nezita romwana kuti Mai nhingi kana kuti Baba nhingi. Imi mumba menyu munokwanisawo kadzaidzana kuti Mai/Baba Nhingi asi kazhinji unoona kuti harisiro zita rako rinoshandiswa nomurume/mukadzi wako.

Ini ndakazoziva kuti mai vangu zita ravo harizi Kwini ndava kutopinda chikoro nokuti ndaingohwa baba vachiti kana voda kudana mai vanoti Kwini, mai vodavira, ivovo kana vodana baba voti Shewe, baba vodavirawo. Saka She (Ishe kuchizezuru) na Kwini ndiwo ange ari mazita avo pauviri hwavo. Kuti akatanga sei hatina kumbobvunza. Takangozozvagwa atovato uye achishandiswa.

Ini murume wangu kana achindidana atoti Masi. Asi zita iri anoridana chero pane vanhu chero pasina. Rakabva pamutupo wangu Masibanda. Murume weshamwari yangu anohi Op. ndakabvunza kuti zvakabvira papi ndokuhwa vese voseka vori pazvakabvira panosvodesa ndokuramba kundiudza.

Vanhu vakawanda vakaroorana vane mazita avanopanana. Ukapiwa zita kazhinji unopiwa pane chinenge chaitika pakati penyu kana kuti nyaya yaunenge waudza umwe wako yakaitika kare musati masangana. Zvinozoitika ndezvokuti kana matukana unohwa murume/mukadzi akakudaidza nezita rokunemera iri wohwa otukwa, kwahi harisi zita rangu iroro. Asi kana mune mufaro akakudaidza nezito iroro inohwa moyo kunyemwerera nokuti zita iri ndere rudo.

Amwe mazita anochinja pakukura kwevanhu nokuti anenge asisakwani pazera romunhu. Zita rinofita musikana harizofiti mukadzi mukuru ava nevana vaviri. Murume anenge ava kusvoda kuhwikwa nevana achidaidza mai vavo zita rakadaro. Asi kana vari vaviri vanokwanisa kushandisa mazita avo iwawo. Kune imwe hama yedu yakamboshanda kuJoni kunzvimbo yainzi Wenera. Hino vanhu vomuraini vomuti Wenera asi iye zita rake achinzi Joniseni. Mukadzi wake anomuti Wene. Ndakazoenda kumusha wanike ava kunzi VaWenela. Mukadzi wake omuti VaWene. Iri nyaya yokuti ava munhu mukuru muraini asi vanhu havadi kumuti Joniseni.

Sarudza zita rinokufungisa chinhu chinofadza chakaitika muri mese uye chichiyeuchidzawo umwe wako kuti zvinokufadza iwe zvii. Kana umwe wako asingadi zita rawamupa terera ukasire kuchinja zita iroro. Kana richisvodesa chenjera nokuti ucharitaura pane vanhu vanoremekedzeka.

Kupa munhu zita kuratidza kuti unoziva kuti ndewako sezvakaita mubereki azvara mwana anomupa zita kuratidza kuti ndewake. Hazviiti kupa mwana weumwe munhu zita kuzhe kwekuti vakukumbira kutumidza mwana wavo. Kupa mukadzi/murume wako zita zvinoratidza rudo uye kumukudza. Kuziva kuti ndiwe wega unomudaidza nezita iri asi anodavira obva aita zvaunoda kuti aite kureva kuti muri mese pamoyo.

Udzai Vamwe !!!!

2 comments:

Anonymous said...

maita henyu nedzidziso yenyu.its very educative,its true wwat u say, ana tete hakuchina kazhinji naivowwwo havatozivi ,havana uchenjeri hwwakadai! Im a big fan.
Keep it up

Mai E Chibwe said...

Zvakawanda zvinoda kunyogwa nokuunganidza kuti vamwe vadzidze, asi Nguva yacho ndiyo shoma. Asi dai muchiwedzerawo pandasiira. Kana kubvunza mibvunzo nokuti pamwe pane zvandinenge ndasiya zvinoda umwe akabvunza toenderera mberi.