Wednesday 18 July 2012

Kusiyana nguva yokuvata


Kubva musi wamunotanga kugara mese mumba hwisisa nyaya iyi nokuti uchakuparadzanisa nomurume/mukadzi wako panguva inouya. Hwisisa kuti munofanira kundovata nguva imwe chete muupenyu hwenyu hwese makaroorana.

Kana uri mukadzi, hwisisazve kuti unofanira kupa murume mvumo yokukurhoja chero uvete hope dzakadii. Unongomuudza kuti atange apabatabata kusvika panyorova, kana usina kumuka nokubatwabatwa achikwanisa kupinza ngaapinze iota zvaanoda ovatawo. Ndiri kutaura hangu somujee asi nyaya iyi inyaya huru chose inoparadzanisa vanhu mudzimba. Pane varume vanopepuka usiku obva ada kupinza chombo mumukadzi wake. Chombo chomurume chinomira chega avete kakawanda (Average 8 times) zuva nezuva. Zvinokwanisika kuti anopepuka chakamira iwe uri kutoridza magwiriri uripo, magaro ako ari padumbu pake. Anokwanisa kungokuunganidza zvakanaka okusimudza gumbo otopinza. Jairira kuti ukahwa murume obatabata pamberi iwe wosimudzira iye opinza. Inguva yake yokupedza zemo, yako yokumubatsira. Ndiro basa rako. Dai usina chitubu dai asina kukuroora.

Pamuchato wenyu makabvumirana kuti musazotarisira kuvamwe vanhu pauviri hwenyu. Chii chaunoruza kuti murume wako akupinza chombo ukamuka kuhope. Haana umwe mukadzi wekuita naye. Chaunogumbuka nacho chii ipapo? Ingovata une fungwa yokuti angangopinza chero nguva pausiku. Hino kana makatovata muchiti mukashanyarika mokwizana muviri iye agara achingoti chero avete ega chombo chinomira kakawanda, chinotowedzera kumira kana iwe uripo. Ndiri kukurudzira tese vakadzi kuti zvimwe zvinhu tisu tinozvipa madambudziko nokusahwisisa nyaya dziri pachena.

Endai munovata nguva imwe chete. Nguva yokuvata inguva yakakosha pavanhu vakaroorana. Munotokwanisa kuita ROUTINE yenyu ipapo. Pane zvinoitwa zuva nezuva. Kugeza, Kunyengetera kana muri vatendi, kuita nyaya. Kurhojana, kuvata. Zvino ukanovata wega hauzvikwanisi zvese izvi.

Hezvino zvinotanga kuitika mumba. Unoona umwe oenda kunovata ega achisiya umwe wake ega. Kana wafunga zvokunovata udza murume kuti wava kukotsira womuti hendei tinovata, kwete kungoti Ndava kunovata ndakaneta. Ziva kuti welfare youmwe wako iri mumaoko ako. Ukangomuudza kuti wava kunovata unenge usina kumukoka kuti muchinovata. Kana ane zvaari kuita zvaanoda kupedza asati avata, gara pasofa uvate hope. Achakumutsa kana apedza. Unokwanisazve kumuudza kuti akumutse paanouya kumubhedha. Ukashandisa vara rokuti PURIZI ndimutse kana wouya. Ndofanotungamira. Anouya okumutsa moita kanguva kenyu movata mose. Chinhu chaunofanira kupedzisira kufunga usati wavata murume/mukadzi wako.

Zvokuti uyu waenda kunovata uyu wozotevera hazvishandi mumba shuwa munoparadzana mafungire. Ndinoona mwadhi dzakawanda dzichitaura nyaya dzisina musoro. Kwahi “Ndakaenda kunovata ndokusiya murume ari pakombiyuta ndokuzopepuka ndokuwana achitamba nechombo chake akatarisa pikicha yomukadzi asina hembhe pakombiyuta. “ Ukabvunza munhu wakadai kuti ko wange wasiirei murume ari ega iwe uchinovata, unoona asina mhinduro yacho. Ndipo unohwisisa kuti mumba mavo mukadzi uyu haazivi kuti basa rokuronga nguva yokuvata nderake. Ipa murume invitation yokunovata. Mukutaura kwako taridza murume kuti kune maBENEFITS akamumirira muimba yokuvata. Kana asimuka akauya, ratidzawo kufara nazvo womupa zverudo.

Kana murume akaneta achida kunovata iwe tevera unovatawo. Chero mukasarhojana ipa murume MASSAGE pamuviri wake wakaneta iwoyo avate zvakanaka. Zvikuru varume vakamwa zamu ramai ukamupa zamu kurimwa, kuribata, kuriisa pachifuva pake makatarisana anorerusa muviri obva avata zvakanaka. Akatanga kumwa zamu chigadzirira kurhojewa. Nyaya ndeyokuti ivapo panguva yaanonovata. Ivai mese kwete kuti uyu uvete uyu ari kurava bhuku muneimwe room.

Kana mukajaira kuvata nguva dzakasiyana upenyu hwenyu hwatochinja kusvika hameno. Kana wakachenjera zama kugadzirisa panhu apa. Endai munovata nguva imwe chete.

Ukatarisa vanhu vane madambudziko mudzimba dzavo uchaona kuti chokutanga chavanoita kusiyanisa nguva dzokuvata. Chechipiri kunyimana rhoji. Chechitatu kupopotedzana nguva dzose. Chivagarisa pasi ubvunze kuti sei muchisiyana nguva yokuvata unohwa votaura nyaya dzakawanda dzisina musoro panyaya yokuroorana. Ndakambohwa umwe murume oti mukadzi wake haamutereri. Ini ndokubvunza kuti wakapedzisira kutaura naye nyaya inokosha riini, zvikahi paKisimisi. Ipapo tanga tiri muna May. Mukadzi anoterera sei kana murume achida kutaura naye kamwe chete pamwedzi mishanu? Kana muchitaura zuva nezuva nyaya dzese dzese. Kuzoti wowunza nyaya huru, munotererana.

Kana muri kumashift muchiti umwe ari kupinda umwe achibuda. Pamunosangana ipapo panoita hafu yeawa, kana uchiziva kuti murume ari kusvika na hafu sikisi ini ndichizobva pamba na sevheni, inguva yakawanda kumuitisa hope iyoyo. Achingopedza rhoji iye ovata ini ndomuka ndogeza ndoenda kubasa. Kwete kuita vhiki yese musina uchiti nokuti uri pa Shift. Hazvisirizvo. Mabasa ndeekuwedzera mufaro wedu kwete kuutapudza.

Kana uchida kuverenga bhuku rako usina anokutaudza, tora hako bhuku rako uende kumubhedha asi kana nguva yokuvata yazvika, tsvaka umwe wako umuudze kuti auye kuzovata. Bhuku rako tsve pasi opa murume 100% attention sezvaunodawo iwe kana usina bhuku rokuverenga. Unokwanisa kutotaurira murume zvawaverenga momboita nyaya.

Kana une Assignment yokuchikoro, Ita assignment yako hako asi ziva kuti kudzidza kwakanaka ndekwekuti murume asazoona sokuti ava pa COMPETITION nemabhuku ako. Ndizvo zvinoitisa kuti vamwe varume vazoona sokuti kudzidza kwemukadzi hakusapoti musha, nokuti mukadzi anenge asisina nguva yokuona murume wake. Pedza Assignment yako woisa mabhuku uko pasi, womboona nezvemurume. Mapedza murume anokwanisa kuvata iwe wodzokera kuassignment. Iye ndiye anotozokuudza mangwana kuti pedzisa hako tozoita mangwana. Anenge aona dedication yako paari kuti haina chingaibvisa. Pamazuva akadai ndipo paunofanira kugaromuudza kuti kana achida kukumutsira rhoji ngakumutse, kana kukupa uvete hope ngaakupe.

Kuda kukasira kuvata uchisiya umwe wako ega chii chinenge chaitika? Uri kutizei? Kana pane nyaya zama kuigadzirisa. Kutizira kumubhedha harisi zano rakanaka iroro. Kumirirawo kuti umwe wako abatwe nehope usati wamutevera kusahwisisa kuti sei makachata. Kana une dambudziko naye gadzirisa. Kana usisamudi muudze aende kwaanoenda. Kana muchiri mese itai zvevanhu vari vese.

Umwe wako kana achigarosara kana kukutangira kunovata muudze kuti zvakaipa pavanhu vane rudo izvozvo. Ziva kuti pane nyaya yakaipa pakati penyu. Mubvunze kuti inyaya yei uye mungaigadzirisa sei?  Musi waanouya kuzovata nguva imwe chete newe, ratidza kuti wazvifarira uye zvinoitisa maBenefits akawanda.  Muri pakusawirirana apa, ukawana achitarisa mapikicha pakombiyuta yenyu, usaita nyaya nazvo. Mirira mava kunovata mese, womutsanangurira kuti zvese zvaanotarisa pakombiyuta unazvo uye kana achida kutarisa chero nguva ngaangotaura umutaridze.

Kana umwe wako anonoka kuuya kuzovata, ngaawane wakasvinura wakamumirira, womuudza kuti wanga wakamumirira sezvaunoita musi umwe noumwe waanonoka. Uchaona ochinja maitire.

Vasikana, ngatitore michato yedu sezvinhu zvakakosha, tokurudzirawo varume vedu kudaro. Tovakurudzira nezviito zvedu mumba. Kunonoka kutsamwa, kuderedza kupopota, kusatuka murume, kuziva kuti muchato ndewavaviri saka ini ndoita zvangu kuti iye akwanise kuita zvake. Mangwana kana zvinhu zvozoshatawo hazvo ini ndenge ndambozama pandinogona napo. Nguva yokuvata inguva yedu tese, Quality time yokuti tiiwane tese tokwanisa kuudzana kuti RARA Zvakanaka. Chinhu chokupedzisira kuona usati wavata murume/mukadzi wako.

Udzai vamwe!!!!

No comments: