Sunday 8 July 2012

Kumitiswa worambwa

Vakawanda mazuvano vanomitiswa vorambwa. Varume vanoita izvi vanozvirova dundundu vozviti ma Hit and Run kana kuzvipa mamwe mazita anoita kuti vahwe vari vanhu vane chiremerera kupfuura zvavari chaizvo. Kazhinji varume ava vanhu vasina unhu asi ngatitarise maitire edu isu vakadzi. RHOJI inoitisa vakadzi nevarume zvinhu zvakawanda zvisina musoro.

Chokutanga ndechokuti hakuna munhu anoita mimba asingadi kuita mimba yacho kuzhe kwekuti ari kumusha kusina mapiritsi uye kunonetsa kuwana makondomu. Kana uri mutawendi kana kuti uri kuzhe kweZimbabwe, hazviiti kuti uite mimba kana usingadi mimba. Mu UK vanhu vakawanda vemo havatombozivi kuti kuhura chinhu chakaipa saka chero vakawana mukomana avanofunga kuti akanaka havamiriri kudanana vasati vavata naye. Pachirungu chavo munozobvumirana kudanana matombovata mese. Iyi ingari yokuti muno mu UK vanhu havazivi Mwari. Vanhu vanoenda kuChurch vanosvika 6% chete. 94% havanei nezvaMwari kureva kuti inyika yevahedheni voga, uye vatova nemazera maviri vasina nyaya dzeunhu. Zvinohi ita zvese zvaunoda chete chero zvisingasungisi. Hino iwe ukasangana nomukomana akakurira pakadai anongofunga kuti zvaakutengera zvinhu zvakaita semachipisi nemaChokoreti, chasara kukurhoja chete, ukapusawo, naini kiroko yemanheru inozochaya wazara urume muchitubu chako wava kutogadzira mwana, ipapo zita rababa vemwana unongoziva kuti anohi Jojo. Kuti ndewekwaani kana kuti anoerei hauzivi.

Hurumende yavo yakaona kuti zvivana zvinozvagwa mai vazvo vasingatombozivi kuti baba vemwana ndiani zvave kupfuura 25% yezvizvagwa zvese zvemunyika, ndokubvumidza zvitoro zvese kutengesa makondhomu, saka chero pakati peusiku unokwanisa kubuda mumba mako wonotenga makondhomu ku TESCO, ASDA kana pa Petrol Station. Kana mukashandisa kondhomu rikabvaruka, unomuka mangwanani woenda kwaDoctor wako kana kuSpecial clinic wondopiwa ma MORNING AFTER pills womwa zvoitisa kuti mimba isabata. Ukakangamwa kuenda mangwanani unokwanisa kuzoenda mangwana acho kana kuswera mangwana. Mapiritsi awa anoshanda kusvika 72 hours kubva pawakapiwa urume.

Futizve, ukangoenda kuna Doctor wako ukamuudza kuti wawana munhu wekuvata naye asi mimba haudi saka woda mapiritsi ekudzivirira mimba, anokupa ipapo. Unokwanisazve kubaiwa jekiseni rekuti usabata mimba. Unokwanisazve kuiswa chimwe chisimbi muchibereko chinodzivirira mimba kubata, kana kuiswa IMPLANT pasi peganda paruoko.

Zvokuita zvakatowandisa zvakaitigwa kuti mimba dziite shoma. Vanhu vemu UK njere dzemimba Havana saka unongoona zvivana zvinemakore 15 zvine mimba zvavata nezvikomana zvine makore 15 futi.

Ngatichiona musikana wechiZimba ane makore 18 kana kupfuura. Hazviiti kuti aite mimba asingaidi. Ukaona wanyengana naye wozomuhwa oti ane mimba yako, ziva kuti akurongera zvoupenyu. Aona kuti uri munhu anonetsa kutaurira zvaanoda. Iye oda kuroogwa asi anofunga kuti iwe haudi saka akakuitira mimba uchachinja mafungire. Ndiko kuona kwevasikana vakawanda vasina freedom yokutaura mumaRelationship avo nevakomana.

Vasikana muUK vekuZimbabwe vanoda mukomana wechiZimba vanotoratidza chimwe chirikiriki chisingatomboiti. Kungosangana nomukomana kotohi ndawana murume, bhurugwa rotobviswa kwahi uya ukwire wozondinyenga tapedza. Vakawanda vanokasira kuvatana zvokuti kana nguva yekondhomu chaiyo havaiwani. Nguva yokumukira kwaDoctor havaidi, saka unoona ava nemimba, fungwa iri yokuti ndikanonoka kuita mimba murume anoisa umwe mukadzi mimba ndikaruza.

Vhiki yakapera taiva noumwe wava nemimba yechipiri, varume vaviri, vese havamudi zvachose. Uyu waane mimba naye ikozvino anotofamba achiudza vanhu kuti musikana ihure rake risingatombozivi kuti akamuisa mimba chaiye ndiani. Vabereki vomusikana vakamudzinga mumba, kanzuru ndokumupa kamba kake nemwana wake nemimba. Asi musafunga kuti akaita mimba asingaidi. Akatofunga kuti mimba ndiyo ichamurooresa nomukomana uyu.

Varume vechiZimba vanoda zvinhu zviviri zvakasiyana. Chokutanga vanofarira kurhoja munhu wese wese ane chitubu. Kana murume wechiZimba akangoona wakachinanika pabani akangofunga kuti unorhojesa, anokukumbira ukabvuma orhoja apedza oenda onokumbira futi umwe. Usafunga kuti zvawavhura makumbo achakupa rudo. Kungonoudza shamwari dzake kuti nhasi akupa nyoro. Kwahi vakomana Emeridha ane chikapa chengwena, uye anoda nyoro. Mangwana acho shamwari dzake dzotokutumirawo TEXT kuti dziitewo chanzi. Watove hure romuraini, uku mimba yatotanga.

Chechipiri ndechokuti kana oda kuroora anotsvaka musikana akati tasa asingangobvisiri vese vese bhurugwa. Zvinoreva kuti vaya vanoramba kuvata nevakomana ndivo vachaonekwa sevanhu vakakodzera kuroora. Vaya vanofunga zvemimba vanosiiwa nemimba dzavo.

Ukaona wapiwa mimba nomurume worambwa, zvoreva kuti wakakasirisa kuita mimba yacho usati wahwisisana nomurume. Mutemo wemimba ndewekuti tangai mabvumirana mese kuti ngatichiita zvemimba, wobvisa bhurugwa uchitoziva kuti murume ada zvekundipa mwana wedu tese tiri vaviri. Ndipo paunobvuma kupinzwa chombo chisina kondhomu.

Nyaya iyi haisi yokuti tiri kuti ivai vanhu vanoenda kuChurch muchiramba chihure. Nyaya ndeyokuti pakuvata kwako nevarume vaunovata navo, hazviiti kuti uite mimba usingaidi. Varume Havana kupusa. Vanoziva kuti kana wabata mimba zvoreva kuti wamurongera upenyu hwake newe. Waita zvinhu wega pasina kutaurirana. Saka uchaona obva pauri ondotanga kuvata noumwe musikana. Iwe wosara wangoti vavava sezai rehurekure.

Vanhu dzidzai kuti kana uchida munhu womuudza mobvumirana kuti rudo gwenyu gunoendepi mobvumirana pazvinhu zvikuru zvakaita semimba. Mimba haaiti pasina urume. Urume hahuiti pane kondhomu. Rikabvaruka enda kwaDoctor kuseni. Kuchemachema kuti nhingi akakumitisa akakuramba kunyebera vanhu kuya. Iwe ndiwe wakazama kumufosa kukuroora iye asingadi achingoda Rhoji chete. Wakamurambidza kukunyenga nomutauro kwahi ndoda kunyengwa nechombo chete. Hino chiona zvaitika. Kana waita mwana pasina agreement murume ari kuti mwana ndewako wega nokuti ndiwe wega wafunga zvemwana.

Vanhukadzi vakawandisa vanorhojewa nevarume zuva nezuva asi havadi kuita mimba saka havaiti mimba. Kana warongera murume muudze kuti wafunga zvokuwanikwa umuudze kuti uri kuda kuwanikwa naye, zvevana mozotaura mabva pachinhanho chokuroorana. Mimba haiitiswi nomunyama, inoitiswa nokuiswa urume mukati mechitubu chako nomurume Whether uchimuda, Achikuda, Usingamudi, asingakudi, Mimba haina basa nezvaunofunga. Ine basa nezvauri kuita.

Usanyebegwa nomurume anoti achavhomora kana oda kubudisa urume. Ukatanga kutamba nomurume akagarisa chombo chimire uchaona posiririka ka oiri kanohi PRECUM.  hahusi urume uhu. Kaoiri aka kuvarume vakawanda kanotori nemhodzi dzekuitisa mwana. (Sperm) saka akangokupinza chombo chete chero akazibudisa asati akudiridzira, unotosara une mhodzi muchitubu mako chete. Unokwanisa kuita mimba. Pozotizve murume kana ane chombo chimire fungwa dzake hadzishandi zvakanaka, Anozoyeuka kubudisa chombo muchitubu atopedza kukudiridzira. Ipapo anenge akakubatirira zvokuti kana iwe kuti umubvisepo unomubvisa humwe urume hwatopfapfaidzwamo kare,  Zvimwe chetezvo kana kondhomu rikabvaruka anoramba achingokukoira arimo. Kune vakamboshandisa makondhomu, munozvihwisisa.

Mukadzi chete ndiye anokwanisa kuziva zvokudzivirira mimba.

1 Iwe muridzi pfekedza murume kondhomu kwete kumurega achipfeka ega.
2 Iwe muridzi imwa mapiritsi
3 Iwe muridzi  kana uchiziva kuti mazuvano unohwa zemo, enda kwaDoctor undopiwa implant inoita gore rese kana kupfuura ichingoshanda, uku uchirhojewa hako wakasununguka. Unowedzera nemakondhomu kuti usabata zvigwere.
4 Iwe muridzi zadza Spermicide muchitubu mako.
5 Iwe muridzi mukira kwadoctor undopiwa MORNING AFTER PILL kana wavatira kupiwa nyoro.

Kana wada zvomwana chirongawo yokuwanikwa, wotaurira mukomana wako kuti unofunga kuti wakura uye basa romumba, repamubhedha, repai nerepai wava kurigona saka nani muchingogara mese zviri Official.

Kana uchifunga kuti ndiri kukudza nhema, ingoti umwe musi kwapera vhiki mbiri marhojana nyoro, wotumira mukomana wako TEXT yokuti unofunga kuti une mimba. Chimirira uone zvinoitika. Unotukwa ugorambwa. Haatombomiriri kubvunza kuti waziva sei kuti une mimba. Ndiwo mafungire evarume saka usakatyamara nazvo. Iwe ndiwe benzi kungovhura makumbo usingazivi paumire.

Pamwe iwe wega unotozohwisisa kuti shuwa zviri nani kurambwa ane kuwanikwa nokuti mashoko anenge obuda mumuromo memukomana uya aichimbokuvigira machipisi nema  chokoreti, anenge asiyana zvokuti iwe unongoona kuti kuwanikwa hazviiti. Asi chokwadiwo imhoswa yako. Mimba pasina muchato handizvo.

Udzai Vamwe!!!!

No comments: