Monday 23 July 2012

Kududzirana musati maroorana.

Toti une makore anopfuura 20. Unenge wakatombonyengwa nevakomana vakawanda kana uri munhu anogara akachena pakutarisa. Asizve mukomana wase anokunyenga anenge achitoziva kuti une mukomana chete. Fact yokuti iye akunyenga inoreva kuti vamwe varume vanokuona uri munhu akakodzera kuita musikana wavo. Pane chaanenge atoita ruchiva nacho ipapo, chinochiviwa navamwe varumezve.

Toti zvangoitikawo kuti hauna mukomana nguva iyoyo kana kuti aunaye hauchamudi. Umwewo mutsva okunyenga. Kana ane makore anopfuura 17, unofanigwa kumufungira kuti akatomboitawo vamwe vasikana. Vanhu vokuZimbabwe tinotanga nyaya dzevakomana/vasikana tiri kuSekondari School, Form 2 vakawanda. Vamwewo vanoti nonokei havo. Kutanga nyaya idzi munenge muchingoita zvemahumbwe henyu asi ndiko kutanga kwacho.

Vanotora ropa voku Blood Transfusion Service kuZimbabwe vanogaronyora maREPORT avo. Vakambonyora REPORT yokuti 15% yevana vechikoro vemu Form 2-3 vakatombovata nevarume.

Imboverengazve Report iyi kubva kune vamwe muna 1998.
HIV/AIDS has had a major impact on the health status of Zimbabweans. Zimbabwe is among the five most affected countries in the world. Despite various efforts over the past years to combat the epidemic, sexually transmitted diseases and HIV/AIDS remain a serious problem in Zimbabwe. It is estimated that roughly 35% of the urban and 20% of the sexually active is being infected. The epidemic has reached all subgroups of the population, including youth and children. 60% of new HIV infections in women are under 20 years of age; 20 % of the unmarried men are already infected. The impact of the epidemic both on the macro-economic (losses within the productive age groups, especially skilled, professional and hard to replace labour, the burden of a high number of patients with HIV-related diseases on the health sector) and the household and community level (death of breadwinners and high numbers of AIDS orphans) is enormous and threatens to jeopardise the country’s chances of socio-economic development.

Pane iyi pane nyaya dzakawanda nokuti vamwe vana vanozvagwa vane HIV. Asi ukayeuka pawakaita Secondary iwe uchayeuka umwe munhu aitoziva kuvata nevakomana/vasikana, kana varume/vakadzi vakuru. Vakomanawo vanozviita kutopfuura vasikana, asi kana mukomana oda kuroora unohwa oti anoda mhandara asi iye akaboora mhandara dzakawanda achidzisiya dzisina anodzida kuroora. Ndiko kufunga kwevarume ikoko. Fungwa dzavo ishoma shoma kana tiri panyaya yokuvatana. havana kusiyana nembwa chaidzo. Chero maroorana uchaonazve kuti murume anongoita sembwa. Pari kuiswa urume noumwe ndipo paanoda ipapo. 

Asizve havanetsi kugadzira. Isu tikangorambawo kurhojewa anongonorhoja zvisikana zvinobva kusina anoraira. Kana azokunyenga oda kuroora, iwe womuti hendei kuTEST. Ndipo paunoona munhu ogedageda mazino nokutya kuzikamwa kuti akamboita tumwe tuma STI.

Mabva kutest mukabvumirana kuti mese hamuna mapasuro, munokwanisazve kutaurirana nokubudirana pachena kuti mberi uko zvisazokunetsai.  Chinhu chakanaka kusarudza munhu uchiziva wega kuti ane HISTORY yakadii.  Munokuanisa kunyorerana pasi mochinjana mapepa amanyora. Anoda kubvunza obvunza kuti apa zvakafamba sei. Varume  vakawanda vanoda kuziva zvinhu zvisina nebasa rese pavanhu vawakambodanana navo.

Wakadanana naye kwenguva yakadii?
Wakavata naye here uye kwapera nguva yakadii?
Uchiri kumuda here?
Anga ane chombo chakakura sei?
Kuti zvisakunetsai shandisai pepa rakaita seiri? Iyi i ekizamburo chete.


Former Partner
Partner age
My age
Year
Time together
Reason for break up
Sexually active?
Contraception
Diseases?
1
14
12
1998
3 months
Went to different schools
No

No
2
16
14
2000
6 months
He left me for another
No

No
3
17
15
2003
11 mths
Drifted apart after school
Kissing only

No
4
17
16
2004
18 mths
He left for RSA and lost contact
No

no
5
22
18
2006
2 years
Made another girl pregnant and married her
Yes
Pill
NO
6
28
22
2009
2 mnths
Still together
Not yet

No











Pese pakanzi YES podiwa kutaurirana kuti zvakafamba sei uye mava papi nazvo kubva musi wazvaitika.

Kana uchida murume/mukadzi uyu unofanira kutaura chokwadi. Kunyepera munhu chinhu chakaipa uye hwisisa kuti vashoma vanorambwa ataura chokwadi. Vanotaura nhema ndivo vanotorambwa musi waanobatwa kuti akanyeba. Kana akurambira kuti wamuudza chokwadi, zvoreva kuti munhu anga asina kukufanira saka musiye akadaro, uye ukanyengwa noumwezve, mutaurire chokwadi futi. Munhu anokuroora munhu anokuroora sezvauri, kwete sezvaanofunga kuti ungadai uri.

Varume vakawanda vanondinyorera vachitaura nyaya iyi vanokomburena kuti sei akandiudza nhema. Chinoitika muupenyu ndechokuti vanhu vausingambofungiri kusangana navo unokwanisa kusangana navo. Munhu wawakambovata naye muri kuchikoro unokwanisa kusangana naye Musupermarket ipapo iwe une mukomana wako kana kuti iye ane musikana wake ane mimba, iwe wongoerekana wataura zvisingataugwi.  Kana murume wako agara achitoziva kuti kwakamboita Titos kare, akasangana naTitos wacho mubhawa, Titos akangotaura dzimwe nyaya anokasira kuhwisira. Varume havadi kutaura kuti “Ndaiva nomusikana ainzi Colletta andakavata naye kashanu.” Anobva ataura sokuti ndiye shasha yokuvata nevasikana.

“Hure rangu rimwe rainzi Colletta ranga rakanaka zvokuti rine mazamu anomwisa mvura. Ndakamborikwira gore rese, rikatombogara kumba kwangu. Umwe musi mai vakazosvika riripo ndikaribudisa nepawhindho. Haa hure rainaka iroro. Ndikariona ndoda kumborikwira futi Madam vasingazivi.”

Murume wako akahwa story yakadai mubhawa, anobva atofunga kuti waingohura na Titos. Izvo Titos akatokutengera ring ndokukutaridza kuvabereki vake asati amitisa umwe musikana.  Iwe ingotaura chokwadi urambe nacho. Zvenhema hazvishandi mazuvano.

Kana wakambobvisa mimba taura kuti zvakafamba sei. Inyaya inonetsa kutaurira umwe munhu asi ukaitaura akaramba achikuda ziva kuti ndiye wako uyu achakuda chero waita sei. Akakurambawo rega aende. Varume vane rudo vakawanda, uchawana umwe.

Kana wakambosungwa ukaenda kujeri, taura zvibude pachena. Iyevo unomuda sezvaari. History yake ukaiverenga ukashokiwa nayo ukazofunga kuti chii chaakadzidza pairi, ukamubvunza akarondedzera zvinokugutsa chigara pasi ufunge kuti unomuda akadaro here?

Mu UK varume vange vane average ye 9.3 SEXUAL PARTNERs muna 2001 against 4.7 average yevakadzi. Mugore iroro.
http://www.telegraph.co.uk/relationships/sexual-health-and-advice/8958520/Average-man-has-9-sexual-partners-in-lifetime-women-have-4.html.

Asi tiri kutaura munyika yavanhu vasinei nezveumhandara kana ujaya hwemunhu pakuroorana. Vekwedu anotoita sokuti iye ijaya kutokomburena chose kwahi ndakakuwana usiri mhandara. Ipapo mukadzi ndiye atomuudza kuti ange asiri mhandara Otherwise dai asingazivi.

Tangai upenyu hwenyu pamwe chete nokutaurirana chokwadi pamusoro pehistory dzenyu. Mukadzi/murume wako ngaasazozvihwa kushamwari dzako kuti wakambodhakwa ukanovata kumba kwanhingi ukaita zvokuti nezvokuti.

Kune vasikana vakawanda chose vanosvika kuma 20 chakuti vari mhandara, kozoitazve vakomana vakawanda vanosviko futi vari majaya. Chinongozonetsa apa ndechokuti majaya awa haazoroori mhandara idzi. Umwe wandinoshanda naye akasvika 38 asina kumbovata nomurume ndokuzowanikwa nomurume ane mwana noumwe mukadzi. Mukadzi uyu NdeweCHiTawara. (JW) akarambigwa nyaya yokuti murume haabvumidzwa kubata pamberi pemukadzi nemaoko, kwahi rega zvingosangana zvega. 38 yazowandisawo hayo asi kuma 20 vakawanda vanosvika. Kana wada kutsvaka mhandara iwe uri jaya unoiwana.

Pano ndati udzanai chokwadi mutange upenyu hwenyu muchiziva kuti mumire muchokwadi. Ukada kuvanza chokwadi chichangozobuda pachena wobva waita upenyu husina kunaka.  Hwisisa kuti murume/mukadzi anokutarisa oita fungwa yokuda kuziva kuti wange uripi nguva yese iyi.  


Ndofunga ndikawana nguva ndoda kumboita CASE STUDY panyaya iyi. 

Udzai vamwe!!!!

No comments: