Saturday 14 July 2012

Kubatwa chibharo mumba (Rape)

Kune vamwe varume vaunohwa kuti vakasungiswa nevakadzi vavo vavabata chibharo mumba. Zvinofamba sei izvi?

Pakuroorana kwedu isu vanhu vatema vechiShona, tinoroorana tine bvumirano yokuti kuroorana mukadzi nomurume zvinotoreva kuti panoita UNLIMITED SUPPLY yekurhojana mumba medu. Unoona kuti panenge pasina ane mubvunzo nazvo.


Vese vari vaviri vanenge vachitoda kuti dai tangoramba tichiita kusvika hameno. Kunozoti kwapera nguva zvimwe zvinhu zvaitika unoona vanhu vohi vatukana mumba, umwe atiza aenda kuvabereki vake, umwe atiza aenda kumba kweimwewo hama yake.  Wozohwa zvohi nhingi asungwa kwahi akabata mukadzi wake chibharo. Unombogara pasi woti dhuu kufunga woona kuti shuwa chii chakaitisa kuti mukadzi aende kumapurisa kunomangarira murume wake?

Chii chinganditsamwisa kusvika pakunoudza mapurisa kuti ndabhatwa chibharo nomurume wangu?.  Kazhinji tiripo vaviri hakuna anokumbira umwe zuva nezuva pamwe tinongoisana pasina akumbira uye pasina abvuma. Tese tine ruvimbo kuti tese tinoda rhoji saka hatiwanzokumbira.  Kunongotiwo mamwe mazuva murume achifunga kuti pamwe mukadzi akanyanyoneta unohwa okumbira mukadzi oti swedera pano tione zvokuita. Kana kuti murume akaneta mukadzi okumbira, uripo musi wandakanzi “kana ukamutsa chombo tinoita.” Ichallenge ka iyo. Ipapo woziva hako zvokuita kuti chimuke, ndiwe wakumbira.

Mamwe mazuva kungotanga kukisana mobatana, mosvetana, maoko oenda pesepese zvigumwe zvopinzwa kumwe wongozoona vanhu votoita pasina akumbira umwe. Pamwe unonyoroveswa uvete iwe wotosimudza gumbo uvete wozopepuka murume ava mukati achikukoirira kuhope chaiko. Hapana anenge akumbira ipapo asi paunopepuka unotochemererawo nkunakigwa nazvo. Haufungo zvemapurisa kwaedza. 

Kukumbira ndiko hako asi shuwa handingadi kugarokumbira murume wangu kana kuti iye andikumbire pese pese. Ngaakumbire dzimwe nguva kwete dzese. Saka kuzoti ndiri kusinira urume hwemurume wangu wandakazvitsvakira kuti andipe urume, ndomuka ndonanga kumapurisa kundomangara kuti ndabatwa  chibharo zvinenge zvaita sei?

Tichitarisa varume, zvikuru vedu ava vechiKaranga, tinoona kuti zvokunyatsotaura nyaya kusvika yapera havagoni havo chose. Vanowanzoda kungoti mukadzi ngaandipe AUTHORITY yokuita zvandinoda mumba. Kana ukabvunza mibvunzo yakawanda kwahi wandimhura saka rega ndikutaridze kuti ndiri murume, obva atora chombo oda kuchishandisa kudzosa authority yake mumba. Chombo hachisicho chinokudzwa nomukadzi wako. Mukadzi anokudza murume somunhu kwete sechombo. Hwisisai ipapo varume. Ukaona ndobvisa bhurugwa ndouya kwauri ndokumbundikira ndiri kuda murume wese kubva kushoka kusvika kumusoro, kwete chombo chete.

Ndizvo muchizoona mukadzi achishushikana kuti sei pasina anondihwisisa pano pamba pangu. Murume basa rake kuhwisisa mukadzi wake.  Kana ukaona usingahwisisi zviri kuitika chirega kuwedzera nyaya nokuda kufosa mukadzi kukuvhurira. Fungwa yake iri pakuda kuti umuhwisise kwete kuti umurhoje.  Somukadzi, kazhinji anenge asina simba seromurume saka anongozoona kuti akada kuramba unomukuvadza obva angokusiya hako uchipinza chombo muchitubu chake. Pakuzoti mapedza murume ofunga kuti Authority yake yadzoka, mukadzi osimuka oenda kumapurisa. 

Somuno muDiaspora, mapurisa ekuno ukamaudza zvakadai vanotokasira kunotsvaka murume wacho vomusunga votora mukadzi ondovhenekwa kuchipatara kuti aonekwe kuti zveshuwa arhojewa here.  Ipapo vanobvunza mibvunzo yakawanda. Chero mukadzi akazoti haachinei nazvo murume ngaadzoke kumba, nyaya yacho inokwanisa kuzonetsa mberi uko nokuti munotadza kuhwisisana TRUST yese yange iripo inenge yatopera. Murume anokwanisazve kuita report kumapurisa kuti akazosungigwa imwe yaya yakada kufanana naiyoyo, mapurisa oti ndiwo maitire ake murume uyu. Opiwa mhosva dzange dzisinei naye.


Mukadzi haangomangari kumapurisa pasina imwe nyaya yatanga zvinhu zvese izvi. Pano ndinogaroudza verudzi gwangu kuti ngatichengetei varume vedu uye ngatiite nomoyo wese. Saka chii chinenge chaitika kuti munhu aende kumapurisa?

Kana murume asingahwi zvinotaugwa nomukadzi wake
Kana murume achiita Dictatorship pamukadzi
Kana murume ari dofo rinofunga kuti chombo ndicho munhu
Kana murume asingakasiri kugadzirisa nyaya dzomumba make
Kana murume achihura
Kana murume asingaremekedzi mukadzi

Zvinhu zvakadai zvinokwanisa kuitika mumba mako.  Kuti uite KING mumba mako tonga mhuri yako zvinotaridza kuti une hanya nomufaro wavo. Nyaya yechibharo inyaya yekukanganisa kwevarume, asi inyaya inonyadzisa mese muri vaviri uye mhuru dzenyu.

Mukadzi anogona kuti kana akatsamwa akafosiwa nomurume iye asingadi, anokwanisa kutaridza kuti haana mufaro nokuregera kuita zvaanochiita pakurhojana. Apedza anokwanisa kungotaridza kushaya mufaro nezvaitwa, ozoti pava paya manyatsofunga panyaya yenyu anokwanisa kuudza murume kuti zvokubatwa chibharo hazvisirizvo saka murume ngaasazviita futi.  Kubatwa chibharo chinhu chakaipa asi mukadzi kana uchida murume ratidzawo RESILIENCE pamusha. Kana wada kuzofumura murume chiziva kuti wava kufumura mese  uye muchato wenyu unokwanisa kuperera pano. 

Murume anorhoja mukadzi asina mufaro nazvo haasi murume kwaye, Chinenge chakamisa chombo chake ipapo chii. Kana munhu ati haadi, musiye akadaro. Hwisisa kuti kupinzwa chombo neganyabvu zvinoreva kuti hapana kunyorova zvoreva kuti panogwadza uye hazvinaki. Uri munhu rudzii anodaro kumukadzi wako? Mukadzi ndewekunyengerera obvuma obvisa ega bhurugwa kana kukuudza kuti bvisa iwe. Chitora nguva uchiratidzawo unyanzvi hwekubatabata mukadzi kusvika anyorova wobvunza kuti ndopinza here iye oti pinza. Pamunopedza pamwe hasha dzake dzinenge dzatoperawo.  Mangwana muchimuka, kumbira ruregerero uye kutenda norudo gwake.

Usazokangamwa kugadzirisa nyaya yaitisa zvese izvi. Varume akangobvumidzwa kurhoja otofunga kuti nyaya yapera. Bodo haina kupera mukadzi ari kutsvaka COMMON GROUND mumba, Kurhojana ndekwenyu mese saka ari kuti ngatitangezve kwatinowirirana tozonanaira takananga kwatapokana toigadzirisa. Hino iwe ukapedza rhoji wofunga kuti zvatopera, unenge watova fuza chaiyo mumafungire ako somunhu wemurume. Gadzirisa nyaya kuti irege kukura. Rhoji yese yaunoda unoiwana madire ako. Nyaya yagadzigwa rezva mukadzi wako, pamwe womutengerawo chimwe chaanoda womuudza kuti unomuda uye kuti sei uchimuda, Unokwanisa kutaura kuti ane moyo wakanaka uye ane rudo, nokuti anogarokangamwira zvoubenzi zvaunoita. Ukazohwawo iye okumbira regerero chiziva kuti nyaya yapera.

Handina kumbohwa kuti kune mukadzi akabata murume chibharo, asi ndofunga variko vakawanda. Ndakambohwa umwe akarova murume achiti nokuti murume ari kuramba kumupa mimba. Mapurisa  haawhisisi nyaya dzakadai saka vanongouya voti chiregai kurovana vodzokera kukambha yavo. Zvokuti mukadzi arhepa murume hazvihwisisiki kuvanhu vakawanda.  Chinhu chinohi RAPe kungofosa umwe kuita zvaasingadi panyaya yerhoji.
________________________________________

Kana mukadzi akaenda kumapurisa kundovaudza kuti murume wake amubata chibharo, kana nyaya yacho ikaenda kukoti vekukoti vakabvuma kuti murume akabata mukadzi chibharo, Kana muri mu UK RAPE inotangira pamakore mana mujere. Kune dzimwe nyika inopfuura ipapo. Kana mange mune kanyaya kadikidiki kaitisa kuti mupokane kusvika pakuendesana kumapurisa kubva ipapo mava nenyaya huru.

Chero mukasazoenda kukoti, nyaya yokuhi wandiendera kumapurisa ihuru. Chimwezve ndechokuti muchabvunzwa nyaya dzakawanda dzomumba menyu. Mukadzi achazama kuti murume munhu akaipa murumewo achizama kuti iye munhu kwaye. Shamwari dzenyu dzichamira kuva shamwari. Hama dzenyu dzichadzokera kuvemhuri dzadzo kuti yemurume neyemukadzi. Upenyu hwenyu hunochinja. Mukaenda kukoti munobvunzwa zvakadzama pane vanhu. Experience yacho haina kunakira vanhu vakaroorana.

Ndizvo ndichiti tereranai mumba. Kungohi waRHEPA mukadzi wako chinhu chinosvodesa wo hacho. Chero mukadzi akazoti hapana chaitika vanhu vanongokufungira kuti unogarorhepa mukadzi asingadi. kana paita nyaya mumba gadzirisa nokukasira muhwisisane.

Unoziva sei kuti wabatwa chibharo?

Kana murume akati uya tiisane, iwe ukati handidi, murume akakubata wokupatsanura makumbo wokupinza chombo wokurhoja iwe ipapo usingadi. Zvoreva kuti wabatwa chibharo. Pese paunoti hausi kuda asi uye wokufosa chete, ndicho chibharo chacho ichocho. Hazvibvumidzwi nomutemo.

Udzai Vamwe!!!!

No comments: