Friday 27 July 2012

Kana mumba musina Rhoji

Pane zvinhu zvishoma zvinoshaisa mufaro kupfuura kushaikwa kweRhoji mumba. Kushaikwa uku hakunetsi kukuhwisisa kana umwe wako achigwara kana kuti asipo, kana kuti achangozvara mwana kana kuti ari kumwedzi. Chinonetsa ndechokungoti mukadzi/murume haadi pasina kupiwa chikonzero chinoonekwawo kuti ichi chakakodzera.

Mukadzi anorambira nmurume
Varume vakawanda mufungwa mavo nyaya yerhoji hainei nedzimwe nyaya mumba. Kana kukaitika nyaya yokupokana mumba, mukadzi obva ati pakunovata oramba kuvata nomurume, zvinopa murume crisis ye Self confidence  chaiyo. Kazhinji anozama kuzviudza kuti nyaya idiki saka bheta kungovata ozozviona mangwana asi mukabvunza varume vakambozviitigwa izvi munoona kuti nyaya yacho inopinda mufungwa chaizvo uye inoita kuti murume afunge kuti akakanganisa kusarudza paaisarudza mukadzi. Zvikaitika kaviri katatu zvinokwanisa kuti murume atange kushaya rudo. Munokwanisa kuzoti pava paya nguva yatombofamba, wozoona poitika zvimwe zvinhu zvakaipa mumba, izvo nyaya yakabva pakushaisana rhoji. Kana ukanyima murume rhoji, unokanganisa fungwa dzake iwe wozoita VICTIM yazvo futi.

Murume anorambira mukadzi.
Vakadzi vakawanda havakumbiri murume kurhoja. Vanongomirira kuti iye achataura kuti ngatiisane. Zvino kana pamboitika nyaya murume akagumbuka, iye ari murume ane fungwa dzechikomana chiya chinohi MOTHER'S BOY, anokwanisa kungoti zii orega kukumbira mukadzi kuti vaite zvinochiitwa mazuva ose. Mukadzi anongomirira kusvika abatwa nehope, pamwe murume avete akamufuratira. Dai murume akadai aikwanisa kupinda mufungwa dzomukadzi wake waanoititira zvakadai, akaona fungwa dzinopfuura napo, aisazozviita futi.

Kana murume achida kuderedza opinion yemukadzi wake paari ngaaite zvakadai. Vakadzi havakwanisi kupatsanura rudo neRhoji. Kwatiri unondirhoja nokuti unondida. Unondirhoja kutaridza rudo. Kane watanga kuramba nerhoji uri kundiudza kuti haundidi.

Mukadzi anoramba akavata ipapo akafuratigwa nomurume, nengari yokuti haana kumwe kwekumuka akaenda. Zvinodya moyo, zvinoshungurudza, zvinobhowa kuita murume anoita seizvi. Chinonetsazve ndeichi, mukadzi kana asina simba rokuudza murume kuti anoda rhoji, anomirira osaziva kuti murume achati anoda here kana kwete. Ongoita zvokutarisa maitire ake uye kuti akatsamwa here kana kuti anomufaro.

Vakadzi tinowana PERSONAL SECURITY yedu pakuziva kuti murume anondida. kana DOUBT ikauya mumba security inobva yaenda zvoreva kuti moyo wava nedambudziko. Hauchazivi kuti pano ndichagara nguva yakadii. Zvikawanda zvinhu zvakadai mukadzi anoshaya kuti munhu anokwanisa kudiwa here kana kwete. Ukabvunza vakadzi vakawanda vakambohura unohwa vachikuudza kuti murume ange ari munhu asina rudo. Rudo chinhu chikuru kumunhukadzi uye chinoratidzwa nezviito zvemurume zvinova zvine chimwe chazvo chinohi Rhoji.

Kuvata mumubhedha umwe chete nomurume asingadi kukupa zvinhu chinhu chisingambofadzi zvachose. Hyazvina basa kuti mukadzi aita mhosva yei hayo pakunovata murume anofanira kutarudza kuda rhoji.

Kuhwisisa. 
Vanhu vakawanda havatombozivi kuti kana makatsamwisana munotorhojana zvokupfidzisana nokunakigwa chaizvo. Munhu akatsamwa anopedzera shungu ipapo kana ukangomurega achipinza,

Saka todii kana umwe aramba 
Ini sokuona kwangu, munhu anokurambira munhu ane DEVELOPMENTAL ISSUES, Haasati akura zvokukwanisa kuva akaroorana noumwe munhu. Pakuroorana munohi muporomisane kuti mava nyama imwe. Zvinoita here kuti gumbo ritsamwire ruoko?  Saka todii kana gumbo rafunga zvakadai. Ini ndofunga kuti REACTION yako musi wazvinoitika kokutanga ndiyo ichaitisa kuti zvidzokorodzwe kana kuti zvisazoitikazve. Kana wangofunga kuti munhu ari kukurambira usangonyarara kuti arambe achiita zvisina maturo. Unofanira kutaura zvauri kuhwa mumoyo. Unofanira mirira kusvika mangwana wobvunza kuti sei akaita zvaakaita. Kana achida kuramba achidaro muudze kuti Marriage yenyu yava paCRISIS point saka ngaagare asi mutaure nyaya yacho uye akuudze kuti achada kukurambira kwenguva yakadii uye kuti zvigodii? Mutsanangurire kuti uri kuda TIME-TABLE yake kuti uhwisise zvaari kufunga.

Mubvunzezve kuti sei akafunga izvi akazviita paACTION ari ega pasina bvumirano. Zvinoreva here kuti iwewo musi wawada kungoramba iye haana nyaya nazvo? Kana muri vanhu vane WRITTEN MARRIAGE AGREEMENT yamakanyorerana pakupiwa counselling namufundhisi, muudze  akutaridze PARAGRAPH  paawana mafungire awa mugwaro renyu.

Usarega nyaya ichipera pasina kubvumirana kuti pange pakanganiswa. Kana mabvumirana chibvumiranai kuti musi wamuchatsamwisanazve, nyaya yerhoji inofambiswa sei. Izvi zvinoreva kuti mese kubva musi uyu munofunga zvakafanana kuti kana mukatukana, hapana anorambira umwe pakuvatana kuzhe kwekuti kana mabvumirana kuti mukatukana munorega rhoji kwemazuva okuti.

Nyaya yeRhoji
Nyaya iyi inyaya huru chose uye musaita yokutamba nayo inoshanda zvakawanda pauviri hwenyu. Munoita:
Group work
Munonakigwa pamwe chete
Munopindana kuita munhu umwe
Murume  anopamukadzi urume mukadzi ogamuchira
Munobatana panhu panohi pakavanda panongoratidzwa iyeyu chete.
Munogumbatirana munokisana, munopurudzirana, munochemererana

Zvose izvi nezvimwe, zvinoratidza kuti Rhoji i COMMUNICATION. kana ikabviswa, zvakangofanana nokuti watorera munhu foni yake, zheve dzake nomuromo wake. Unoda kuti aite sei?

Vanhu hwisisai kuti kana matukana munotokwanisa kushandisa rhoji kutangazve kutaudzana. Makatsamwa kudaro mukarhojana chiregai kuti mapedza mofuratirana. Kana akakufuratira mapedza, isa ruoko paari womukwevera kwauri womuudza kuti unomuda. Mangwana munomuka mava kunyemwererana. Hazvirevi kuti nyaya yamatukanirana haigadziriswi. Gadzirisai nyaya asi itai murudo.

Ini hangu handina kumbosangana nomunhu anofadzwa nokunyimwa mumba make. Ukaona mukadzi oudza shamwari dzake kuti ava ne vhiki yese asina kumbobatwa nomurume, ziva kuti ava nomwedzi. Zivazve kuti mukadzi uyu akawanikwa nomurume fuza. Ini kufunga kwangu varume, kana chombo chichiri kumira ngachigovaniswe pakati penyu. Kuchauya mazuva achinoramba kumira pasina zvaunokwanisa kuita.

Kana mumba musina RHOJI tauriranai mutange futi. Iwe tanga kutaura nazvo uudze umwe wako kuti hazvina utano kugara musina zvimwe zvinhu zvoupenyu. Chitotora OPPORTUNITY yokutangira zvimwe zvamusina kumboita kare kuti umwe wako abvumirane newe kuti RHOJI mumba chinhu chakanaka.

Udzai vamwe.!!!!!








No comments: