Sunday 1 July 2012

Kana mafigwa nomwana

Kana mafigwa nomwana
Ndapiwa nyaya yandigiumbura chose nhasi.  Murume nmukadzi vakashaikigwa nomwana achiri mudumbu asi ava nomwedzi minomwe. Zvinhu vanga vatenga zvakawanda. Nursary vanga vadhekoreta. Mwana ndokushaika ipapo ari wekutanga. Mai vemwana ndokupinda mudepression. Baba vemwana ndokusarawo vari vega munyika yese. Kwapera mwedzi miviri, murume ari kuti ngatigadzire umwe mwana, mukadzi kana kuda kuvata nomurume haadi.

Vese vari kuti uyu kwake uyu kwake.  Mumba hamufadzi.

Veduwee, kana pamusha paita nhamo iri yenyu mese, ivai pamwe chetewo mutambure muri pamwe chete.

Mwana ashaika asina kuzvagwa akangofanana newashaika azvagwa kuvanhu vanohi vari NORMAL. kune vamwe vanhu vasinei nevana vavo vasina basa nazvo. Kuvakadzi kufa kwemwana kunoitisa kushungurudzwa zvokutoda nguva yakati kuti moyo uchigwadza pakufunga mwana wako. unokwanisa kuita nguva uchiti ukaona munhu ane chimwana wotanga kuchema. Unokwanisazve kuita PND chero mwana pasina.

Varume vanogwadziwa moyo sezvinongoitawo vakadzi. kana mukadzi ane mimba murume wake anotarisirawo kuzvagwa kwemwana wake zvakangofanana nomukadzi wake. Zvese zvaanofunga pamwana uyu zvinoita sokuti mwana munhu chaiye, iye ari munhuwo. Zvino kana mwana akazofa asina kuzvagwa kutarisira kwese kwaange aita kuti ave baba vanhingi kunogwadzisa moyo. Fungwa yange yave kuona mwana mumba, zvino atogwa akaenda kusingadzokwi.

Mumba mune vanhu vaviri kuchema kwavo kunokwanisa kusiyana umwe anokwanisa kuda kukasira kusika umwe mwana umwe achida kumbotanga achema mwana washaika uyu. Zvinokwanisika kuti murume asada kuswedera pedo nomukadzi wake, mukadzi achitoda kukasira kupiwa umwe mwana, kana kuti murume anoda mukadzi haadi. Chikuru ndechokuti vacheme pamwe chete. Ziva kuti umwe wako ari kugwadziwa pamoyo sezvauri kuita. kana ada kuchema rega acheme kusvika shungu dzake dzapera iwe uripo womupa fudzi rokutsamira nezheve yokutaurira zvaanofunga. munofanira kuswederana pedo moita zvinhu muri mese. Umwe akati zii opfigiza umwe kuzhe kwemoyo wake kugwadza kunowedzera pamuri mese uye munhu ari ega anotanga kufunganya nokutifunga kuti pamwe ndiye akonzera kufa kwemwana. Napo napo oita depression inova inonetsa kuzobuda.

Nguva dzakadai ndedzokuti munowedzera kudanana kwenyu. usatanga kubvunza umwe wako kuti mwana afa nei nokuti pamwe iye anenge achitofunga kuti ndiya auraya mwana nechimwe chinhu chaaita, zvikuru kana ange amboita chimwe chinhu chasina shuwa nacho kubva pakatanga mimba. Mitemo yechikaranga yakawandisa. Varipo vanofunga kuti kana ukasarevurura pakuzvara, mwana anofa achizvagwa. Saka kana ukazvarira kumusha mbuya vanogamuchira mwana vanomuudza kuti avaudze kuti baba vemwana chaivo ndiani kuti mwana asafa. Uku kunyeba hako asi kana uchifunga kuti zvershuwa anofa, akazofawo unobva wafunga kuti ndiwe wauraya mwana.

Muti vaviri mirai kurhojana kusvika mese mapedza kuchema zvokusvika pakutanga futi. Chinhu chisingafungwi nevarume ndechokuti mukadzi anotozvara mwana wacho akafa semazvarire aangoita mupenyu. Hakuna kumwe kunoti mwana abude nako. Hino kuzofunga kuti anga ane munhu akafa mudumbu make uye kuti haana mwana, uyezve kuti anofanira kundosukwa chibereko zvinhu zvakawanda kuti munhu umwe chete azvifunge ega. Anoda kuti murume wake avepo naye vachiona kuti mafungire avo ndeamwe chete.

Tichingotarisira muviri chete, munofanira kumirira mavhiki matanhatu musati mafunga nezvekutanga imwe mimba. Madaro mukadzi oenda kwadhokotera ondoonekwa oudzwa kuti chii chiri kutora nzvimbo. tichitarisa kugadzikana kwefungwa tinokwanisa kuwana mukadzi achiri pakuchema mwana wake kwenguva inokwanisa kupfuura gore rese. Murumewo anokwanisa kudaro. Mazuvano kune vanopa Counselling panyaya dzakadai. kare zvaipiwa namadzitete naanababamunini. Kana mada kundotaura nevanopa mazano endai henyu muite muchibvumirana.

Ndinoziva vamwe vakashaikigwa nomwana achangozvagwa. Vange vatomupa zita. Pavakazoita wechipiri ndokumupazve zira rookutanga, kwahi ndoda kungohi Mai nhingi. Uku kureva kuti vabereki ava vange varonga upenyu hwavo zvese nemazita evana. kushungurudzwa kwavo kwakaita gore nehafu kusvika pakazvagwa wechipiri ivo fungwa dzavo dzisingadi kubvuma kuti wekutanga akashaika.

Inguva inogwadza iyi ngatisapokana mumba kana zvakadai zvaitika. Batsiranai pamwe chete. Zvikuru vari mhiri kwemakungwa kune hama shoma. Iva pedo nomukadzi/murume wako uite dombo rokuti ahwe kuti pamusha pakaitika hapo zvinogwadza asi pakatsiga.

Udzai Vamwe!!!!!!!!

No comments: