Sunday 22 July 2012

Imbofunga nazvo


Imboti dhuuu wakadaro ufunge kuti kana murume/mukadzi wako akabata chigwere, nyaya yenyu kubva ipapo inofamba sei?  Isu vakadzi tine SERVICE mentality yokuti tinnofunga kuti takazvarigwa kupa service kune vamwe vanhu mumhuri. Tisu tinomiramira pamba kuona kuti vanhu vadya vakaguta, vana vaendeswa kunovata, vana vagezeswa, nhumbi dzaainwa, umba yakorobhiwa, bhutsu dzavana dzechikoro dzaplishiwa, huku dzakushigwa chibage nemapfunde, Budget yepamba yakakwana, murume idziisigwa mvura yokugeza. Mubhedha wawadzigwa,  etc. Pane zvimwe zvakawanda zvamunokwanisa kuwedzera ipapa.

Saka nyaya inoitika ndeyokuti murume anobata chigwere kuhure. Adaro ouya nacho kumba opa mukadzi wake. Mukadzi munhu akasimba kupfuura murume kazhinji. Mukadzi akaziva kuti ava nechigwere, anokasira kuziva kuti sezvo asina kuhura, zvinoreva kuti murume ndiye akauya nacho saka atovavo nacho.  Ipapo anochema hake asina anomunyaradza, agozvidya moyo kufunga kuti vana vake vanosara vachireriwa nani kana afa.

Pese ipapo anongoramba achichengeta murume zvakangofanana nezvaaiita chigwere chisati chapinda mumba. Murume akangoita maronda ekutaridza chigwere, chokutanga chaanoita kukwira bhazi oenda kuhama dzake ondodziudza kuti muroora wenyu akandihurira saka ndava mugwere. Hama dziya dzotsamwira muroora kwahi watiuraira hama yedu.  Mukadzi anowedzera kuchema kana ari ega, asi anoramba achichengeta murume wake. Akaita mimba anozvara chimwana chine chigwere choti are gare chofa, murume haana emotional nazvo. Mukadzi ndiye anocheme usiku masikati, asi anoranba achichengeta murume wake  nevana.

Murme achatora mari shoma iri mumba kutsvaka n’anga dzokumurapa. Anosiya mukadzi asina anomurapa, asi mukadzi anoramba achichengeta murume wake. Panozoita makore maviri murume ari pamubhedha achigwara mukadzi achimubikira, achimuisa napukeni, achiwacha machira aya anoitigwa svina, achterera kutukwa kuhi wakandipa chigwere. Anoramba achichengeta murume wake kusvika afa. Parufu madzitete vanouya kuzotsoropodza muroora wavo, kusaziva kuti ivo vanhukadzi wo vanochengeta varume vavo kusvika parufu. Mukadzi anosiiwa navana pasisina mari yokuvachengeta asi anoramba achichengeta vana vake.

Mukadzi kubva musi waanopiwa chigwere kusvika musi waanoti haachagoni kumuka mumubhedha kana kuzviwachira machira aaitira svina, anenge asina munhu wekumuchengeta sazvaakaitira murume wake. Kunotozoti vokumusha kwake vahwa kuti mwana enyu agwara, votumira mununguna wake kuti azochengeta. Ndiye achamuchengeta kusvika parufu. Adaro hamarume dzomurume dzikangohwa kuti kwaita chimainini, dzotomiramira kuda kuchirhoja kuti chiitewo chigwere somukoma wacho.

Ndiko kukanganisika musoro kwemunhu anohi Mukaranga uku. Mukadzi munhuwo zvake akazvarigwa kungushandiswa sedhongi rinoti rikamhanyiswa kuenda kuchigayo hapana charinowana pazviri. Rikatopiwa guri rechibage kuchigayo ikoko rototi raita rombo rakanaka musi iwoyo. Rikaramba kuenda kuchigayo rinorakashwa asi risinei nokuti munhu agaisigwa here kana kwete.

Hwisisai apa nokuti zvandiri kukutaurirai zvinhu zvinoitika mudzimba zhinji. Tarisa pateni yokufa kwavanhu, uchaona kuti murume kazhinji ndiye anotanga. Mukadzi ndiye anochengeta.  Isu vakadzi tinozoziva kuti zvinhu zvashata mumba tatova nechigwere kare. Ipapo zvana hazvina kusvika makore 10. Uku chibereko chichine mazai. Achiri kungoda kurhoja iye mukadzi wacho waaa chigwere.  Chaandisiira mumba achinotsvaka vamwe wochishaya kuti chiri papi.

Hazvanzi yangu mwana wababamukuru paakaita chigwere takaona ndondo gore ra1999. Mukadzi ndiye akatanga kurobwa kwahi wandipa chigwere. Maiguru ava vakasvika pafa vasina kumbovata oumwe murume kuzhe kwaiye nyakurova uyu. Yakazoti shasha yapesa samba rese, muviri rangove ganda rakafukidza mabhonzo, mazino ogedageda munhu achitaurira pasi pasi kunge ari mumwena, takazviona tese, mukadzi achimiramra pamurume wake. Kwahi ndakaporomisa kuti tinosvika parufu. Murume wakati achifa 2007, mukadzi ndokuteverawo kwapera mwedzi mina. 2010 chimwana chigotwe ndokutevera vabereki. Ndicho change chasiiwa chine chigwere. Vaya vamwe vana vasarapo 4, ndokuhi umwe uko umwe uko umwe uko mumhuri. Unotarisa ukachema kusvika wangoona kuti misodzi haichatombobatsiri pakadai. Munhu kusiya vana vake dzava nherera  ane makore 34 nokuda kwekuhura kwemurume.

Chitarisa uonekuti munyika munei. Unoona kuti
Mumba mune mukadzi anototi akasarhojewa anotsamwa zvokuti bhee.
Murume wacho nyakuhura uyu ane maoko ake okuti kana atadza kusvika kumba kune mukadzi, anoashandisa oteura urume hwacho hunomupa zemo. Patsime anotoudza vamwe vakadzi kuti murume ava nemazuvamaviri asina kumbomubata. Vakadzi vakuru vorondedzera kuti enda unobika zvokudya zvaanofarira. Murume wese anohura ane mukadzi kumba ane zhara yerhoji huru.
Makondhomu  akazara nyika yese, mamwe emahara.

Asi varume chero ukamutaridza logic yekuhura ukadii, haana basa nazvo kana ari murume anoda zvekuhura. Anongofamba Brain yake yese iri muchombo. Kana kusemeswa haasemeswi. Kutobhostira vamwe kwahi Ndarhoja chimuhure chiya chemagaro mahombe ndikanakigwa zvokuti. Munhyu mukuru kuita njere shoma pane dziri mumadhoti enguruve.

Ko sei vakadzi tichidaro kana murume agwara?
Kazhinji vana vane surname yomurume havo asi shuwa vana ndevemukadzi. SACRIFICE inoitwa nomukadzi nokuda kwevana vake ihuru chose. Anogara pamurume, adaro obvuma futi kurhojewa na Same munhu amupa chegwere iyeye. Kungoita sokuti hapana chaitika. Zvese izvi nokuda kwevana chete.  Ukaona murume anoti asvika kuhure oyeuka kuti asiya vana kumba, orega kuhura odzokera mumota yake oenda kumukadzi nevana, murume iyeye anofanira kupihwa mhenduru. Vashoma varume vane basa nevana vavo. Kuno ku Wolverhampton, UK, kune umwe wechizimba, akamitisa mu West Indian ndokuramba, ndokumitisazve murungu, ndokuramba, ndokumitisazve musikana wekuGhana, ndokuramba, vhiki ino takahwa kuti Lilian wekedu ane mimba yaStephen.  Uone zvana zvacho kufanana nababa vazvo kuita senyimo. Asi shuwa Murume uyu ane mukadzi nevana kumusha.

Ka kana wati mukadzi ari kure iwe uchida rhoji, chishandisawoka makondhomu. Mukadzi wake kuHarare ikoko akangohura unoona hama dzomurume kumiramira, miromo kusiririka nehasha.  Vanhu kwanai.

Saka torega here kuchengeta varume kana vagwara?
 Handisi kuti rega kumuchengeta. Ndiri kuti funga nezvichaitika usati watanga kubata rhoji sechinhu chidiki mumba. Vakadzi tisu time MORE TO LOSE THAN varume, nokure kure. Murume haakendengi nazvo.  Vana haana basa nokuti vachaita nherera. Iwe mukadzi ndiwe uchaita misodzi, nhamo, kufunganya, zvese. Iye chero oda kufa fungwa iri pahure chete.

Saka nhasi uno mumba menyu muchine mufaro, tarisa nyaya dzako dzemumba uchengete murume kubva pamiidzo yechihure. Zvange zvichanoitwa nemahure gumi, iwe itira murume izvozvo wega muridzi mumba mako wakasununguka  moyo. Ndiyo INSURANCE yako iyoyo iwe nevana vako. Nyaya yerhoji mumba hainei nema  INDIVIDUAL RIGHTS kana mutemo wenyika. Ndeyokungoti iwe unoihwisisa makurire ayo here kana kuti kwete.

Muno mu UK mune vanhu vanohi FRIENDS WITH BENEFITS. Kwahi kana unaye uyu musi wawashaya wekurhoja, unokwanisa kumufonera chero kuma 2 kuseni kuti ndiri kuda rhoji. Anokuti uya urhoje. Ipapo haasi mukomana/musikana wako. Munongova shamwari chete. Haadi mari yako.  Hino kana vanhu vasina kutomboroorana vachidaro iwe une murume mumba ungazoti hee handidi kumutswa, hee ndakakuvhurira madeko saka nhasi bodo, hee waramba kundipa mari yebhutsu saka nhasi hauna chako, chii chii. Zvinoitawo here izvozvo kumunhu akamira mberi kwevanhu akati “I DO.!!!!”

Kurhojana ndiyo VEHICLE youpenyu. Zvimwe zvese zvaunoita panyika pano kuitira kuti ukwanise kusapota upenyu hwako nehwevana vako. Hwisisa apa. Pakaitika break down panyaya iyi unokwanisa kufa.

Varumewo tarisai upenyu hwamuri kutipa, nemadambudziko amunotipa, mufungewo kuti munhu uyu anohi MAI nevana vako munhu akaita sei. Kana uchida IMROVEMENT pane nyaya chero ipi zvayo mumba, udza mukadzi wako murudo kuti dai wawedzera izvi neizvo toenda mberi. Kana wamuudza akarega kuhwisisa, muudze futi kusvika ahwisisa. Kana achikubhowa nokusada kuita zvaunoda, tora pepa umunyorere wobva wamuisira date raunoda kuti ange atanga kutaridza kuti ahwisisa.

Hakuna mukadzi wemumba asingadi kufadza murume wake.Pahwisisei ipapo. Ukaona zvaipa pane nyaya yausina kugadzirisa.

Kuhurirana haisi PROGRESS.


Udzai Vamwe!!!!!

No comments: