Monday 18 June 2012

Murume asina urume

Chokutanga
Urume: pachirungu                    SEMEN
Mhodzi dzeurume pachirungu    SPERM

Zviviri izvi zvakatosiyana. Mhodzi ndidzo dzinoitisa mimba uye dziri muurume.

______________________________________________________________________________

Kune vakadzi vakawanda vanonyora vachibvunza kuti zvinorevei kana murume asina chinobuda pakurhojana. Vamwe vanofunga kuti zvinoreva kuti ari kuhura saka paaosvika kumba anenge atombopfuuranekumwe. Vamwe voti anogwara kana kuti haazvari. Ini ndokubvunza  umwe nezuro kuti anoziva sei kuti murume haana kubudisa urume, zvikahi kare aichimboti akapedza, ndochururuka kwekanguva zvokuti chero ndikapukuta panongochururuka chete, hino mazuvano handitombopukuti nokuti hapana chiripo.

Vasikana, chokutanga hapana anoda kurhojewa orega kudiridzigwa mukati. Zvoita sokuti watadza kufadza murume kana kuti paita kamwe kadambudziko. Ndosaka tichiti tikaona kuti urume hwaita ushoma totadza kugadzikana hana nazvo. Murume asina dambudziko anobudisa urume hunochururuka kubva muchitubu chomukadzi kana mapedza. Ukavata nomusana usingapfakanyiki unotohwa kubuda kwawo zvichiita sokunyerekedza zvishoma. Ndipo unotora kamucheka wopukuta, wovhurira chitubu wopukuta, woisa tawero pasi pemakumbo wovata patawero ihwo urume huchingodonhapo uvete. Asi usafunga kuti hunobuda hwakawanda. Ushoma chose kune hunosara mukati mako saka mimba inongobata kana mange muchizama zvokugadzira mwana.

Usatya kuona urume huchivhinza muchitubu. Munhukadzi wese ndizvo zvaanoita. Murume kana apedza kukupa urume, chombo chinovata, iye ochibudisa muchitubu. Pakubudisa apa madziro echitubu anodzokurana nokuti hapachina chokuramba akavhurira. Zvadaro pakudzokerana apa anosvina osunda urume huya husina kupararira mukati mese muzvimakoronga zvemukati. Ndihwo hwaunoona huchibuda madomhwe ahwo asi ushoma chose pane hunosara mukati. Kungoti kana murume wako achigaronwa mvura yakawanda anoitawo urume hwakawanda. Kuwanda kweurume hakunei nokuwanda kwemhodzi.

Murume anowanzokupa urume hunozara tablespoon kana pasina chakaipa musi iwoyo. Pamwe hunowanda kupfuura pamwe hoita ushomawo. Asi kuzoita ushoma kusvika pakusazadza teaspoon hazviiti kana murume anoutano hwakakwana. Kufunganya kunozotanga kana murume achingogara asingazadzi mukadzi wake urume. Zvikuru kana aimbozadza kana kuti mukadzi wacho aimborhojewa nevarume vaiwanza.

Ndiko kufunga kwedu tese tese asi chokwadi ndechokuti kazhinji murume anongobudisa hushomashoma.

Saka chii chinoitisa huwande kana kuti huite ushoma. Pandakaona mwadhi dzakawanda dzichibvunza mubvunzo uyu ndakatanga kuverenga nezvazvo ndikawana kuti mhinduro yacho hainei nokuhura kana kusazvara. Urume hune zvinhu zviviri mahwuri, kunoti mhodzi dzinozvarisa mwana koti muto unotakura mhodzi dzacho kuti dzigare dzakanyorova dziri mhenyu. Pachirungu vanoti Sperm, ne SEMEN. Munhu asingazvari zvachose anongobudisawo semen asi inenge isina sperm kana kuti ine sperm dzisingagoni kudhidha.

Ndakazohwisisawo kuti kuwanda kweurume mumurume kunoitiswa nokuti ari kumwa mvura yakawanda sei musi iwoyo. Kana uchida kuwandigwa nourume kurudzira murume wako kumwa mvura yakawanda. Ndiwo mushonga wacho. Chakazonakawo ndechokuti kuwanda kwemvura kunowandisawo ropa rinomhanyira pamberi kana ava nezemo zvichireva kuti chombo chinomirawo chakasimba iwe mukadzi wohwinhawo pakurhojana.

Usaita kufunganya kana murume asingabudisi urume hwakawanda. mupe mvura, tii, jusi, kwete doro. Doro rinotadzisa chombo kumira zvakanaka.

Kana uchida kuziva kuti muurumwe hwemurume wako mune mhodzi dzakawanda sei, enda unobvunza dhokotera wenyu agokuverengerai. Ukada kuvata nomurume waunofunga kuti haana mhodzi pasina mapiritsi uchifunga kuti hauiti mimba uchapedzisira watenga mbereko chete. Kusava nourume hwakawanda hazvinei nokuwanda kwemhodzi dzomwana.

Pane zvokudya zvaunokwanisawo kupa murume zvinowedzera kushanda kweFACTORY inogadzira urume nemhodzi zvese. Kana uchida kuudzwa nezvazvo nyora mwadhi kukero yangu ndikuudze. Kuendesa murume kuna Godobori hazvishandi.

Bvunzai henyu vanobvunza. Wedzerai vanowedzera.

Chimboverenga izvi. 
1 Pasi rese pane varume vanopfuura 20 Million vane urume husina mhodzi dzakakwana kuzvarisa mukadzi

2 Varume vakadai vari kuwedzera gore rimwe nerimwe nengari yokuti vanhu vakawanda vari kuchinja zvokudya zvavo kuwedzera zvine mafuta emhuka anova anoderedza kugadzigwa kwemhodzi dzeurume

3 Mhodzi imwe neimwe inotora nguva yakaita se 74DAYS kuigadzira saka ibasa guru iri.

4 Pamurume anozvara 15% yemhodzi dzake dzino zvarisa asi zvadaro kunongodiwa imwe chete kupinda muzai. Kuti ipinde muzai munenge marhojana kakawanda urume huchingorasika nokushaya zai mumukadzi.

5 Kuti mangorhojana kamwe chete mukadzi wotoita mimba hazvirevi kuti munogona basa, asi kungoti marhojana zai riri pedo. Zvoitazve kuti vakadzi vanowedzera zemo kana zai riri pedo chero vasingazvizivi kuti ndizvo zviri kuitika. Mukadzi anohura anowedzera kuhura nguva yezai riri pedo, zvoreva kuti vana vemukadzi anohura zvinoita kuti vakawanda vave vevarume vemsango.




Udzai vamwe.!!!!


Ndezvipi zvakatadzisa murume kuti aite vana

Murume asingazvari
Kusapa mukadzi mimba. 
murume asina mhodzi muurume
murume asina mbereko
Kuwedzera urume
Kuwedzera mhodzi muurume
maitire ekuti mukadzi abate mimba
Kofongorera murume
kufongora
Kupiwa mimba
Kubata pamuviri 
Munhu asingabereki akaita sei?




No comments: