Friday 22 June 2012

Munhu ane munhuwi wemuviri

Vanhu vakawanda vane munhuwi wemuviri usina kunaka. Zvinoitika kuti munhu anotenga mishonga yokupfapfaidza asi anongoramba ane munhuwi wake chete. Vasingahwisisi vanofunga kuti munhuwi wemunhu unoitiswa nokudikitira muhapwa, munyama dzakaunyana (munhu akakora) kana pakati pemakumbo. Kozoti kuvarumewo gweme rinoitika pasi peganda rechombo kana vakadzi gweme rinoitika pasi pechakafukidza bhinzi.


Pese apa panodikitira uye kana ukasageza panokwanisa kutanga kubudisa munhuwi asi munhuwi wacho haubvi pakudikitira. unobva pane zvipuka zvisionekwi zvinohi BACTERIA zvinogara pese pane dikita. Zvipuka izvi hazvifi chero ukageza kana kuzvipfapfaidza nezvinonhuwira. Saka ndati ndimbokuudzaiwo kuti zvinourawa sei.

Chokutanga ndechokuti munhuwi wemunhu unouya zvishomashoma zvokuti iye munhu wacho haatombozivi kuti ari kunhuwa zvakaipa. Anenge achitotiwo vamwe ndivo vari kunhuwa. Kozotizve umwe noumwe munhu ane munhuwi wake wakasiyane newavamwe.Ndiko muchiona mapurisa kana paitika mhosva vanouya nembwa dzavo voronda kutinyakupara mhosva akafamba sei. Imbwa inenge ichitonhuwidza ichiziva kuti munhuwi wemunhu wacho ndoupi.

Zvichibva nokuti munhu anodyei uye anogeza sei, munhuwi uyi unokwanisa kuchinja woita wakaipa zvokuti vamwe vanohwa kuti pano aipa asi muridzi hapana chaanohwa. Zvotoziti kana kwawana munhu anei newe anokuudza kuti shamwari uri kunhuwira vamwe. Ndipo paunotozoziva. Isu savanhu vane hanya, tinofanigwa kuudzana kuti munhuwi waipa kuti muudzwa akasire kuzvigadzirisa. Hwisisa kuti kugeza hakubvisi munhuwi wemuviri nokuti ma Bacteria acho haafi nemvura nesipo.

Zvino kana waudzwa, chifunga kuti pohwimwi. Pano ndokupa mazano okuuraya zvipuka zvinodya dikida zvichiitira svina pamuviri wako zvichinhuhwa. Kana wangoziva kuti une munhuwi, Chienda kuchitoro undotenga vinegar ne COTTON WOOL yakawanda. Pakusvika kumba, tora bhiro unyore pasi kuti iwe pamuviri wako paunombobuda dikita ndepapi. Muvhudzi, muhapwa, pakati pemakumbo, muhuro, mushoka, etc. Unotanga nokubvisa hembhe, wonyika cotton wool yako mu Vinegar wozvinyorovesa pese panodikitira. Wadaro wombotora hako bhuku woverenga vinegar iya ichishanda. Gare gare woenda wonoita shawa woshandisa tawero itsva isina kumboshandiswa, kana ichangowachiwa mumuchini, kweta yawachiwa nemaoko. Kana usina tawero tsva, chitanga wanyika yako iyoyo muvinegar usati watanga basa.
Wadaro usapfeka hembhe dziya dzawanga wakapfeka usati wageza. Dzinoda kuwachiwa neinopisa. Mangwana itazve saizvozvo, kopera mazuva matatu uchidaro, unoonana kuti kana TRACE yeemunhuwi inpera.

Ko kunhuwa kwe Vinegar yacho?

Vinewgar inonhuhwa hayo chose asi ukarega ichioma iri pamuviri ukazogeza nesopi, hapane kunhuwa kunhohwikwa kwayo. Unofanirawo kuhwisisa kuti munhuwi wakawanda wemunhu uri muvhudzi. Ita nyaya iyi musi waunoda kugeza vhudzi rako. Wotanga wazadza vinegar uchichenjerera maziso ako.

Pamberri pemunhu wese pane munhuwi saka unototanga wavevura vhudzi rese apapo. wadaro kana uri mukadzi bhenengura chakafukudza bhinzi umboisa vinegar apapo nenyama dzakatenderedza nekuzasi koinda kumashure. Usaisa vinega mukati mechitubu. Chitubu chinongopa munhuwi kana une chigwere chete. Mirira maBACTERIA afe wozogeza.
Mazuva matatu apera uchidaro chitanga kushandisa hako zvinonhuwira zviya nyaya yatopera.

Kwati perei mazuva, tangazve kuti kana wonogeza wombotanga wazvinyorovesa ne vinegar.
Kana uri murume, kwevera ganda rechombo kumashure wozvipukuta necotton wool ine vinegar wozvizadzawo vinega pamberi pese, wombomira wozopinda mushawa.

Mishonnga inonhuwira inoshanda kana wagara usina munhuwi kwete kuti uku uri kunhuwa zvakaipa wozviisa perfume. hazvikubatsiri chinhu.

Usambofa wakaisa zvinhu zvisiri chombo mukati mechitubu. Kana chitubu chichinhuhwa zvinoreva kuti une chigwere unofanira kundorapiwa. Chitubu hachinhuwi pasina chigwere. Panobuda munhuwi pabhinzi apo zvikuru kana wava nenguva usina kugeza panoita gweme sezvinongoitawo murume asina kuchekwa pasi peganda rechombo.

Chitubu chinozvigezesa kana usina chigwere. hachinhuwi uye hachifanigwi kuiswa zvinhu mukati. chombo nemimwe yako kana yemurume chete ndizvo zvinopindapo.

Udzai Vamwe!!!!

Zvinopedza kunhuwa

2 comments:

facebook said...

Munhuwiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiiii

Mai E Chibwe said...

Ndichawana nguva yokugadzirisa. Ndatenda.