Friday 28 December 2012

Kana usingadi mimba

   Sarudza chokuita pane izvi. Ukaonawo munhu oita mimba mazuvano ziva kuti arikurongera umwe murume. hazviiti kuti ungoerekana waita mimba usingadi. Kana uchiona kuti murume waunaye ndiRoja chaiye, shandisa mapiritsi zvese nemakondomu.

    caps
      combined pill
      condoms (female)
      condoms (male) 
      contraceptive implant
      contraceptive injection
      contraceptive patch
      diaphragms
      intrauterine device (IUD)
   intrauterine system (IUS)
     natural family planning
   progestogen-only pill
   vaginal ring

There are two permanent methods of contraception:
          
           female sterilisation
         Male sterilisation (vasectomy)

Vhura makumbo ako wega pasina zveganyabvu kana kufosana. Kana ukahwa murume anoda kukufosa iwe chitanga wamuudza kuti

chokutanga: Moenda mese kuTEST monopiwa ma RESULTS enyu moratidzana. kana umwe wenyu ane chaanacho mobvapo masina modzokera kudzimba dzenyu mese musina chamapanana. Nyaya yapera.

Kana mese musina chamunacho, mogara pasi moronga yokudzivirira mimba mese muchibvumirana. Madaro moronga kuti musi wekuti panzvimbo yokuti ndipo pachatangira zvinhu kupindana. Worhojewa wakasvinura maziso uchitoziva kuti pano ndadzivirira nyaya dzese.

Zvokuuya kumba uchizoudza tete kuti une mimba ndiwo anohi maune chhaiwo iwawo. musatisvodesa nokushaya njere. Mazuvano chero ukadanana nechidhakwachintoziva kuti kunopfekwa kondomu.

Mimba yakangofanana neHIV pakuti kana usingadi kuibata hauibati, uye inoda vanhu vaviri 

Tuesday 25 December 2012

Pakunovata


Nyaya yokuronga zvokunovata nomurume/mukadzi wako inyaya inosiyanisa vanhu kufunga kwavo zvokuti imi mumba menyu itai zvamunoona kuti munobvumirana. Kune vanhu vakawanda vanoroorana vagoita makore akawanda vari vese asi pasina anoona muviri weumwe wake asina kupfeka. Pano ndoda kumbotaura maitire avanhu vakasiyana mudzimba dzavo. Imi maziva izvi musada kuita samai nababa nhingi asi itai zvenyu zvinokugarisai zvakanaka muri vaviri. Kana uri murume hwisisa kuti kana mukadzi wako achiita zvisngakufadzi, unofanira kumuudza.  Kana uri mukadzi murume wako achiita zvisingakufadzi, wana mukana wekumuudza kuti azive.  

Zvokupfeka muvete:
Kune vanoti kana vonovata vese murume nomukadzi vanopfeka zvipfekwa zvokuvata nazvo. Vanovata havo vaadaro, zvokuti pamwe ukavavhakashira unoona vachitobuda muimba yavo yokuvata vakapfeka izvi.Zvipfekwa izvi hazvibudwi pazhe nazvo asi mumba zvinokwansa kuti chero pane vaenzi munhu anoonekwa hake akazvipfeka, zvichibva nokuti zvakasonwa sei. Pane zvimwewo zvinoratidza nhengo dzomuviri zvokuti hadziiti kutiuonekwe neasiri murume/mukadzi wako. 

Zviri kwamuri mese kuti munobvumirana kupinda mumubhedha makapfeka zvipfekwa, asi kune vamwe vakadzi vanofarira kuti kana voda kuvatana nomurume, murume aite EFFORT yokumubvisa hembhe. Kune vakadzi vanoona zvichiwedzera zemo kubviswa hembhhe nomurume. Vakadzi vakaddai vanopfeka zvipfekwa vasati vapinda mumubhedha nomurume. Kazhinji vakadzi vakadai vanotora nguva kutsvaka zvipfekwa zvokuvata nazvo zvinoyevedza varume kutarisa. Kuti murume anyatsoona mukadzi anopfeka, obva asiya rambhi rakatungidzwa kuti murume aone agoyevedzwa nazvo agoita zemo rokuda kutanga zvokuvatana.

Pamwezve unoona kuti mukadzi anopfeka zvibhurugwa zvisingavhari pamberi, zvinoitigwa kuti mukwanise kupindana bhurugwa risina kubviswa zvinohi CROTCHLESS Underwear. Ukatarisa pabhurugwa riri papikicha iri uchaona kuti murume anokwanisa kungopinza chombo bhurugwa riripo nokuti rakashhama pamberi. Kuripfeka kungoda kuitisa murume zemo.

 Iwe kana uchisarudza, unotosarudza uchiziva kuti murume wako munhu akaita sei uye chii chaanofarira. Iyewo murume anokwanisa kutengera mukadzi wake zvipfekwa zvakadai. Zvinhu ndezvokupanana mazano mumba kuti muwirirane muchizivaa kuti uyu anofarira ichi uyu icho.

Kozoitazve vamwee vanoziva kuti iye nomurume wake havawanzi kuvatana saka anopinda mumubhedha akapfeka zvokuvata nazvo achiziva kuti nhasi nyaya yokuvatana haipo, zvichibva nokusada kwavo vese kana kuti kuchembera.

Kozitawo vamwe vanopfeka zvipfekwa kuti vasahwa chando usiku.
Varumewo vanongokwaisa kupfeka zvavo zvichibva nokuti vanhu vakaita sei, asi varume vakawanda vanoda kuita sokuti iye ndiye anofarira kuvatana nomukadzi kupfuura mukadzi kuda kwake kuvatana nomurume. Ukaverenga zvinhu zvavanokomburena nazvo unohwa vachingodemba kuti vaadzi vavo havadi kuvatana navo kakawanda. Idzi inhema hadzo asi ivo havazvizivi. Havatozivi kuti vakazi vavo vanenge vachitodembawo kuti murume haasi kuda kundivata mazuva ese.

Kupfeka hembhe kutimurume/mukadzi asakubata muvete.
Dzimwe nguva zvinoitika kuti mukazi nomurume vapokane mumba, vozoti pakunovata, kana nyaya yavo isina kugadziriswa, zvinoitika kuti umwe wavo anokwanisa kusada kuvatana noumwe wake, obva apfeka zvipfekwa kuti uya umwe asambokwanisa kuvatana naye pahope. Zvakadai zvinoitika kana uya nyakupfeka achida kuti umwe wake akumbire ruregerero nokukasira. Kupfeka zvipfekwa uku kuda kuti uone kuti agumbuka saka haachadi kuti usvike pedo naye.

Hino mazuvano kune mahovhorosi ekuvata nawo anohi Adult Footed Pyjamas, okuti kana umwe wako akapfeka, hauwani pekumubatabata napo. Ukaona murume/mukadzi akupfekera hovhorosi iyi, chitoziva kuti nyaya haina kumira mushe.

 Iwe kana wakachenjera chimirira ambovata akadaro kwekanguva kanoita maminitsi gumi. Anokwanisa kunyebera kuridza magwiriri iye asina hope, nokuti zvinenge zvichitomudyawo moyo. Mumutse umuudze kuti iwe hauna hope nokuda kwezvawamuitira. Kumbira ruregerero, hazvinei kuti uri mukadzi kana murume, kumbira chete. Kana angokuudza kuti akuregerera, iwe usakasira kuda kuvatana naye. musiye akadaro musi uyu. Mangwana acho unoona ega opinda mumubhedha asina kupfeka chinhu.  Chiziva kuti nyaya yapera. Chikasirawo kudzokera pazviitwa zvenguva yokuvata.

Zvinorevazve kuti musi waanokukanganisirawo akakumbira ruregerero, iwe chikasirawo kumuregerera iye kuvatana naye kuti nyaya isaendereramberi. Nyaya dzomumba hadzinetsi kugadzirisa kana mukakasira kudzigadzirisa. Mukadzinonokera munoona kanya kange kasina kana maturo katokura kuita zinyaya ziguru.  Unoona murume mukuru achitadza kungokumbira ruregerero kwevhikiyese, opedzisira ava kutotarisa mahure mukadzi wake arimomumba achiti nokuti arikumurambira. Uyawo mukadzi, ngahwsise kuti ukarambira murume wako nhasi uchiti akanganisa, chiregawo kuzoti vhiki ipere uchingomupfekera zvipfekwa mumubhedha. Munhu ajaira kuvatana noumwe haafaniri kumbonyimwa.

Kana ukaona kwapera mazuva maviri murume asina kukumbira ruregerero, Mukumbire muwane nguva yokutaurirana. Kana vana vaenda kunovata movara door reimba yokugara motanga nyaya yenyu. Musada kutonga nyaya yokuvatana muri mumubhedha hazviiti, zvinoita sekuti muri kupanana Challenge, yokuti

"Ndikwire kana uchindidherera" kana kuti 
"Chiramba wakadaro tione kuti uchakwigwa nani." 

Kune vamwe vanhuzve vanofunga kuti kana waramba kuvata naye zvinoreva kuti wambovata noumwe munhu musi uyu. kana wakaroorana nomuhu anofunga seizvi, unofanira kugara wakakasira kugadzirisa nyaya dzokupokana, uye kusagaromurambira nokuti zvichakuomera mberi uko.

Magadzirisa nyaya yenyu mukabvumirana pakunovata chiregai kupfekerana zvipfekwa izvo zvisina musoro. Uya nyakutadzigwa ngaachitaridza kuti nyaya yapera saka ndiye anokwesva umwe wake kuti ngatiitei zvitwa. Abvumawo iwe chiratidza kuti shuwa wange wasuruvara nokushaikwa kwezvinhu. Ita nomoyo wese musi uyu. Wobva waratidzawo rudo, nokutenda kuti muri mese pauviri hwenyu. Usasiya umwe wako ane DOUBT yokuti nyaya yapera. Kana wati nyaya yapera, chirega kuzoiunza mumba vhiki inouya.

Kuti magumburana motanga zvokupfekerana hembhe pakunovata kushaya njere hako. Kupokana kwefungwa hakufaniri kuva kupokana kwemuviri. Muviri unoda kupiwa zvinogutsa muviri. Fungwa ndedzokuRHIZENA nezvefungwa.  Ukagutsa muviri fungwa dzakanaka dzinowanda. 

Kutadza kuvata zvakanaka.
Zvinoitika kuti kune vanhu vanoti ukangomubaya kana negokora avete anobva atopepuka ozoita nguva asingawani hope. Kana ukaroorana nomunhu wakadai munotonetsana nokuti iye akapepuka iwe uvete, anoshaya wekataura naye pamwe okumutsa. Kuseni mese munomuka makaneta zvokuti.

Vamwe vanoti kana une munu wakadai, itai zvokuvata uyu pake uyu pake kuti musamutsana usiku. Munotora mibhedha miviri moiise pamwe chete moti pakunovata motangira mumubhedha wemukadzi, movatana monakigwa, madaro momboita tunyaya makambundikirana, pedzezvo murume oenda kwake moita zvehope. Anenge asiri kure, zvokuti umwe wenyu akaita zemo usiku, anongoswedera kune umwe motoona zvokuita.

Kuvata pakasiyana kunobatsirazve kana wakaroorana nomunhu anonhuwa fodya kana kuti asingafariri kugeza mazino, kana kuti anobudisa mweya avete, zvingava zvinokushaisa hope.

Vanoridza magwiriri vanonetsa kagadzirisa nokuti vanoita ruzha gwakawanda zvokuti chero uri kure unozvihwa. Ndichataura nenyaya dzemagwiriri. 

Munhu asingavati zvakanaka anokwanisa kuita hasha kana kutadza kuita zvinhu zvaanofanira kuita. Ona kuti umwe wako ari kuvata zvakanaka. Kugeza nemvura inodziya kupfuura muviri kunobatsira hope asi unofanira kuzviita mava kunovata zvokuti unongobva pakugeza uchinanga kunovata. Chinhuzve chakanaka kuvarume nokuti zvinobatsira pakunonoka kudiridzira mukakadzi pakuvatana. Iri ngari yokuti muviri wakareruka . 

Kuvata musina kupfeka zvachose.
Mhomho yakawanda vanovata vasina chavakapfeka, vese murume nomukadzi. Zvikuru vechidiki vanoziva kuti pakunovata chinhu chaunongoenda nacho itawero rokupukutisa. Hapana chimwe. Kazhinji mese munenge muchitoziva kuti pakunovata muchatombovatana chete musati maita hope. Kana muchangoroorana munokwanisa kuita makore anosvika mashanu kana kupfuura muchivatana kaviri kana katatu pazuva. Usiku futi munomukirana movatanazve.  Saka nyaya yokupfeka zvipfekwa inenge isingashandi pakadai.

Unongoti ukabva kunogeza wonovata wakadaro. Kana usiku paya chombo chomurume chinongomira chega kanoita kasere kana kupfuura (men have nocturnal erections eight or more times each night)  iye avete, zvokuti kana muvete unokwanisa kupepuka uchihwa kugogonegwa nechombo kumagaro, iye muridzi avete hope chaidzo. Ukada hako unongosimudzira gumbo wogonya zvishoma womubata chombo woruramisa, chopinda iwe zii zvako, unohwa murume ototanga kukoira avete. Kuzotiwo pepu mopedzisa henyu.

Murumewo akapepuswa nokumira kwechombo mukadzi avete, Zvinonzi vakadzi vakawanda pakufakanyika nokuchinja mavatira pava kwahi tinotanga nokusimudza gumbo nokuriisa kuseri kwemurume zvokuti murume anokwanisa kupinza mukadzi ari kuhope. Vakadzi vakawandisa vanorhojewa vari kuhope vachizozviona mangwanani kuti zvidya zvakaomera urume. Ndofunga tese tinoziva nyaya iyi. Kusamutswa nekuiswa hazvirevi kuti hakunaki asi kuti unenge wakarerusa muviri kuhope zvokuti pamwe unotorota uchiiswa izvo uri kutoiswa zveshuwa.

Murume anomisa chombo avete. mukadziwo anonyorova avete zvokuti usiku anenge akanyorova saka murume anomupinza chombo ari kuhope zvisingagwadzi.. 

Ndiwo maitire evachangoroorana. Mese munenge muchifarira kuvatana.  Kozoti mava kujairana nokukura moderedza, zvichibva pakuwanda kwemabasa emumba uye kuneta.

Kuvata musina hembhe kwananakirazve kuti munoongororana miviri yenyu nokozivana zvese. Kwahi Adamu na Eva vange vasina hembhe nguva yakareba chose uye vaiva nomufaro. Kwakangozotiwo vadya muchero ndokuzotanga kupfeka mazhizha emiti, asi zvange zvisina kufanana. Upenyu hwaiva nani vasina kupfeka.

Vana
Kana mune vana vadiki, unoona kuti mwana anongopepuka pakati peusiku obva auya kuvabereki opinda mumubhedha wenyu muvete. Kazhinji anongopinda pakati penyu otovata. Hachisi chinhu chakaipa kuti mwana avate nevabereki vake asi onai kuti mwana haaratidzwi muviri yevabereki vasina kupfeka, zvikuru kana ava nemakore anopfura matatu. Kana zvichinetsa kuti mwana avate kwake oga, sokuti pamwe anogwara, gadzirirai avate pedo nemi asi ari pake oga. Kana achidziya muviri mukamurega achivata pakati penyu anotowedzera kudziya muviri.

Summary:
Apa ndataura nyaya dzezvokuita pakunovata kana muchigara mese makaroorana mukadzi nomurume. Vamwe vanovata vakapfeka hembhe,
Vamwe vanongopfeka kuitira kuti vapanane zemo,
Vamwezve vanopfeka kuti vasawana zemo.
Vamwewo vanovata vasina chavakapfeka, voita sharaude pakuvatana.
Vamwezve vanovata nevana vavo mumubhedha umwe chete vopfeka kuti vana vasasangana nezvinhu zvevakuru.

Iwe nomukadzi/murume wako hwisisai kuti chamunopfekera zvinhu pakunovata chii uye zvakatanga sei uye ndizvo zvinodawoo umwe wako here? kana zvisizvo, chimbofeyafeya uhwe kuti anofarira chii, ugozamawo kumuitira.

UDZAI VAMWE!!!!!!




Tuesday 18 December 2012

Kisimisi yakanaka kwamuri mese!!!


Kisimisi yakanaka kwamuri mese

Ndinokumbirawo uti mutambe mitambo miviri iy muchiziva kuti mumufaro wedu munowanikwa rufu dzimwe nguva.

Vanhu kana vafara vanoda zvokuvatana. Pamwe vanovatana nevanhu vavangosangana navo kuma Party nomudzimota dzokufambisa. Kana wafunga kudaro, chihwisisa kuti kunopfekwa kondhomu. Kana uri mukadzi kana uri murume, famba nemakondhomu ako akakukwanira kuti zvisakunetsa. Tese tinoziva kuti chihure chinouraya asi vanhu vanongochiita chete. Chenjerai.

Vanoenda kumusha kubva kune dzimwe nyika vanosvikowana kune vanhu vanovagamuchira nomufaro. Kana wako ari kure iwe wada kuhura, pfeka kondhomu.
Farai zvakanaka tisahwa zvokubhehuka nedzimota.
Ndatenda chose

Kana uri MuKristu, hwisisa kuti Ishe havana kuzvagwa muna December, uye kuti tinovatenda mwedzi wese wese kwete muna December chete.

Kana une mukadzi/murume, woonawozve kuti wamuitirawo chimwe chinhu chinomufadza musi uyu chisiri chemhuri yese asi chake iye ega kuti azivewo uti shuwa musi uyu izuva rakasiyana nemamwe mazuva pakuti nepekuti. Zvokuti akapopota iwe wopopotawo bodo. Kana apopota iwe chideredza hwi rako utaure naye zvakanaka.

Pakunovata kana usiri kumwedzi, usingagwari, wombotaridzawo kuti nhasi izuva rokupanana nomoyo wese. Chiya chaanisikumbira uchimurambira ndiyonguva yekumupa.

Varumewo mombozama. Kana uchisiita zvokunyemudza, wombozamawo kuwedzera. Isu tinofarirawo kumbundikigwa nevarume vedu isawo mukadzi wakomumaoko ako womuudza nezverudo mobatwa nehope makadaro, BP roita shoma mumba. Pano pazororo, mowedzerawo zvinopiwa vamwe mumba kwete kungosweromwa doro nokubhema mbanje zvinoita kapuracha dzemuraini.

Kana une mota yokufambisa, ingoifambisa kusvika kumba woisiya yakadaro kusvika zororo rapera, woita nguva yakanaka nemhuri yako. Zvokuswerombeya uchinoona vanhu hazvina nebasa rese mazuvano. 

Kudanana nomunhu ane mari iwe usina.


Kudanana nomunhu ane mari chero ari murume kana mukadzi, chinhu chinoda kuti utange wafunga usati wachiita. Mari chinhu chinopokanisa vanhu vakawanda mumhuri, muushamwari, nomurudo, zvokuti ukangopinda munyaya yacho usingahwisisi mamirire akaita zvinhu, unozvikanganisira upenyu hwako. 

Munhu ane mari haanetsi kuona. Vakawanda havavanzi mari yavo. Mari inoonekwa pazvinhu zvakawanda zvinoti zvipfekwa,  imba, zvinhu zvemumba, mota,  zvipfuwo zvepamusha, purazi, basa raanoita.  Kana uchisangana nomufumi wausingazvi, unokwanisa kukasira kuona kuti uyi munhu ane mari. Anozosara okunyenga iwe watomupa chigaro kare.

Murume ane mari
Kunyengwa nomurume ane mari chinhu chinodiwa nevakadzi vakawanda. Murume ane mari haanetseki kuwana mukadzi wekuroora, zvichireva kuti kune vakawanda vanoona sokuti kuroogwa nomurume ane marii yake kare chinhu chinodadisa. Vana vanokura zvakanaka uye iye mukadzi anohwa ari mambokadzi pamba pake nokuti vanhu vemumhuri vanenge vachizokumbira zvinhu kwake. Kumunhukadzi, chinhu chikuru muupenyu kuva nomusha wakatsiga. Mari inoonekwa sokuti intsgisa musha. Munyika dzakawanda vakadzi vanozikamwa kuti vanoda pane mari. Murume akangomunyenga chete iye fungwa dzake dzatove kumakore anouya ozvitarisa achizviona ariye mukadzi wemunhu uyu, mai vevana vake, mukadzi waanovinga kumba achizoturira nhamo dzake dzepamoyo.

Chinonetsa pakunyengwa apa mukadzi haazivi kuti sei murume uyu amunyenga. Pane zvakawandaa zvinkonzera kutimurume anyenge mukadzi:

1 Murume anonyenga mukadzi nokuti vangosanganawo havo asi havazivani saka Havana nyaya dzokutaura dzakawanda. Kana nyaya dzapera vasisina zvokutaura murume kazhinji anotanga kubvunza nezvokutimukadzi ane murume here uye vari papi. Mukadziwo kana aona munhu anotaridza kumufarira, anorerusa hana zvokuti murume akangwara anoramba achitaura nezvezvo opedzisira anyenga. Mukadzi angaramba hake ipapo asi anokwanisa kupa murume uyu nhamba dzake dzefoni, vozopedzisa nyaya dzavo rimwe zuva.

2 Murume anoona mukadzi aanofunga kuti anoyevedza kutarisa obva ada kumunyenga. Zvinoitika kuti vakadzi vakawanda vanoyevedza varume kutarisa havatozivi kuti ndizvo zvavari. Anotoshamisikawo kuti munhu ane mari yakawanda kudai ari kumunyenga zvaita sei? Uku murume anenge atoona kunaka kwemukadzi obva amuda ofunga kunaka kuchaita vana vake kana adanana nomunhu wakadai.

3 Murume anokwanisazve kunge ari kure nokumusha kwake asi achida munhu wekuvata naye musi iwoyo. Akasangana nomukadzi anomunyemwererera anobva afunga kuti angangokwanisa kuvata naya obva amunyenga pavasangana ipapo. Mukadzi haangazivi kuti murume ari kumunyenga zvaita sei kusvika kwapera nguva vachidanana.

4 Pamwezve anenge achingotamba hake asina kana basa nezvaari kuita. Munhu ane mari munhu ajaira kungoungganigwa nevanhukadzi zvokuti anongotamba navo.

___________________________

Murume ane mari akakunyenga kazhinji anokasira kutanga ahwsisa kuti iwe nemari muri papi. Kana kwenyu kusina mari, zvinokwanisawo kumunnetsa kuziva kuti uri kumuda iye here kana kuti unoda mari yake. Ngatisakangamwa kuti rudzi gwedu isu vanukadzi tikaona mari tinoita senhunzi panyama yakaora, kuita yokuteverera.  Murume ane mari haashai vakadzi vanomuda vakawanda.

Akakuroora anokuroora achioziva kuti zvemari hauzvihwisisi saka mumba menyu ndiye achatarisa mafambire emari. Izvi zvinoreva kuti iwe unomirra kupiwa mari chero yaada kukupa. Inkwanisa kunge yakkawannda hayo asi ndeyake iwe basa rako kushandisa yawapiwa.

Vayavo vanokuona vanoona sokuti wakamudira mari yake saka kazhinji vanokuongorora maitire ako vokufungira twakawanda. Ukuzve vakadzi vaya vanga vachitevera murume uyu havaregi kutevera kana akuroora. Zvinoreva kuti iye murume anofanira kuva munhu akarurama kuti asaita upombwe. Kune vamwe vanongoda kuziva kuti vakambovata naye chero vachiziva kuti hapana chavo pamunu uyu. Iwe somukadzi wake une basa rakawanda kupfuura vamwe, pakuchengeta murume wako pane zvese. Ipapa panokunetsa kana ukasakasira kuhwissa SOCIAL MAKEUP yomurume wako.

Mukadzi ane Mari:
Kunyenga mukadzi ane mari kana akazvarigwa mumari hakunetsii uye zvinoitika kakawanda. Tinozviona kutimukadzi ane mari yake yaari kuzvisandira kana kuti yevabereki vake yaanokwanisa kukumbira kana aita dambudziko, anokwanisa kudanana nomukomana anobva kumhuri isina mari uye iye asinawo mari. Anokwanisa kunge asingatoshandi pane imwe nguva. Ndiko unohwa vanotsoropodza voti RUDO IBOFU kureva kuti havafari kuti chiitiko chaitika.

Mukadzi wakaai kana ada murume wake hazvimunetsi asi hama dzake dzinkwanisa kugara dzakappindir munyaya yake kuda kuonekwa kuti ndivo vaari kuchengeta mwana wavo nokuti murume murombo. Pane vamwe vanoti kana pakaitika horodhey toti ye Easter kana Kisimisi. Unoona hama dzomukadzi dzasvika pamusha paanogara pane zviimba zviviri zveROUND zvisina mawhindo, pazhe pane muti wemupirikisi newemumengho.pamusha pasara huku shanu chete. Pakusvika kwavo vanouya nemota mbiri kana nhatu. Vanozovata pamba pemwana wamai vavo vasinei nokuti murume wake murombo.

Zvinoitika kuti vamwe varume vanotanga kuzvikombeya nehama dzomukadzi voona kuti pasiyana, votadza kugadzikana hana nazvo. Unoona vamwe voda zvokuchengera mukadzi kufunga kuti angangotogwa noumwe murume ane mari. Zvinogozhera murume murombo kuroora mukadzi ane mari pane mukadzi murombo kuroogwa nomurume ane mari.

Kana wadanana nomurrume/mukadzi ane mmari, iwe usina, tauriranai nenyaya iyi mubudirane pachenna kuti muri papi nokuti muasadaro, musi wamunotukana munokwanisa kupana mashoko anogwadza.

“Ndakakuwana uri rombe risina kana chinhu ndikakuda wakadaro hino nhasi wava kundibata sewakangamwa. “

“Haundidi iwe, pano wakavinga mari dzangu. Kwenyu wange usingatombozivi kuti chinohi sutu chii.”

Tauriranai machine mukana wekurambana, mobvumirana kuti rudo gwenyu gunobva papi uye muri kuendepi nago. Mari chinhu chinokonzera zvakawanda muupenyu, zvese nhamo nomufaro.  Hapana  chakaipa pakudanana nomunu ane mari, asi kungoti hwisisa zvauri kuita usati wadanana naye. Zivazve uti pane vakawanda vauchakwikwidzana navo saka panda waagwinya. Tiri kuti ita zvinhu zvako wakasvinura maziso. 

Udzai vamwe.!!!!!!!

Friday 7 December 2012

Kuvengana nehama dzemurume/mukadzi

Zvinoitika kuti usvike pamusha ugowana pane ruvengo zvokuti unodzungaira nokugarapo. Pamwe iwe unofunga kuti hapana chawakanganisa saka woshaya kuti ruvengo gwabva kupi. Zvinoita kuti uzame kugarisana zvakanaka nemhuri yako tsva asi wongopedzisira waona kuti hazvisi kuita zvakanaka.

Kusarudza: Pane zvinhu zvakawanda zvinoitisa ruvengo kumuroora. Chokutanga ndechokusarudza kwemwanawavo. Zvinoitika kutimwana wavo kana ange akanyengana noumwe musikana kwenguva, uye ambouya nomusikana iyeye kuzortidza vebereki nehama, Ivo voisa fungwa yavo pakuti ndiye waacharoora. Pozokanganisika zvokuti vanorambana iwe wozonyengwawo hako zvatori zvesecond choice. Kana chikonzero chokurambana chisingabvumiwi pamushha apa iwe unoonekwa sewe warambansa mwana wavo nomusiikana wavanga vachida. Zvese zvaunozoita zvinoshorwa kuitira kuti vagoti uya nyakurambwa ndiye ange ari nani.

Kudzivirira nyaya yakadai, hwisisa mukomana wako kutii ange ane vamwe vasikana vanozikamwa nemhuri yake here, uye akadanana navo kwenguva yakadii. Kozotizve iwe usakasira kungoti apa wasangana nomukomana aka wotoda kurooranna naye, usingazivi mamirire akaita zvinhu mumhuri yake. Ibomira kusvika wanyatsoziva kuti zvinoita here kuti vahu ava dziite hama dzako.

Mimba: Mazuvano kuita mimba usina kuroogwa kuzviitisa chaiko. Cheromunhu anogara kumusha chaiko anokwanisa kundotsvaka makondomu kana kuti mapiritsi okudzivirira mimba. mazuvano hazvichanyanyi kunetsa kutaura nenyaya dzekuvatana nokuti vakachenjera vava kutanga vaenda vese kunotesitwa voudzana kuti vari papi votaridzana magwaro acho, vozoronga yokuvatana. Saka pakutaura ipapo ndipo pamunobvunzana kuti mimba toidzivrira sei. Mobvumirana kuti zvohwimwi. Kana mati makondomu, monoatenga kwaanotengwa moashandisa nomazvo. Kana mati mapiritsi, musikana woenda kwachiremba opiwa otanga kumwa, kopera mwedzi, mozoronga yokuvatana muviri wake wazara mapiritsi.

Kana ukatanga waita mimba mozoroorana zvechimbichimbi, mhuri yomurume inotora nguva vasingakufariri. Iyewomukomana wako iyeye aikukurudzira kubvisa bhurugwa kuti akupinze chombo, ndiye anototanga kukupopotera vamwe vese vasativambozva kuti wava nemimba. Unohwa ava kutoudza hama dzake kuti wakaita mimba kuti agokuroora. Vasikana vakawanda, zvikuru kana achiri mhandara akahi bvisa bhurugwa, anobvunza mukomana uti zvinofaba sei kana akaita mimba, Mukomana wese anoziva kuti kana akaudza musikana kuti anomuroora, bhurugwa rinobviswa. Saka iwe kana wabvisa bhurgwa unenge uchiti zvichafamba sei iwe mapiritsi hauna kumwa, kondomu hapana, mukomana haana kumbovata nomukadzi uku akazara nourume hwakakora. Unozobatwa nehope watova nemimba.

Kungodaroo watozvipinza padambudziko runoita makore kuribvisa. Mukomana anokuvenga asi uku achingoda kukukwira futi. iwe kuti urambe zvonetsa nokuti uri kuda kuwanikwa naye. Hama dzake dzinokuvenga kuti wakatadzira mwana wavo. Ukuwo dzako dzinomuvenga kuti akatadzira mwana wavo. Saka chako hapana.

Zviri nani kuzoita mimba wava pamusha pemurume.

Mari: Kana mukomana ange ari munhu anotambira mari achipa vabereki vake, hazviiti kuti iwe ugosvikapo vagokutambira vakasununguka vachiziva kuti uchada kuvaka musha wako nomwana wavo. Mari chero yakawanda sei, inokuvenganisa nehama dzomurume kusvika vaona kuti une moyo murefu. Zvinotora nguva. Kana iwe uchishandawo, zvinokwanisika kuti kumhuri dzese dziri mbiri munoonekwa sevanhu vane mari yakawanda. Kana mukasazopa hama mari zvoita sokuti munodada.

Mukadzi anonzi anodada kupfuura murume. Nyaya dzemari dzinonetsa kuti ukapa munhu mari, anonotenda umwe munhu. Kwahi "Haa, zvandakaitigwa nomuroora wa Joniseni zvakandifadza zvokuti. Akandiitengera dhirezi, ndokundipa mari yebhazi, ndokunditengera gurosari." Ipapo vari kutaura kudaro imwe hama yawakasangana nayo pamusika hauna kana kumboiti svika kumba.Ruvengo gotanga.

Kusazvininipisa pahama:
kana waroogwa imboitawonguva uchitaridza unhu, chero mumoyomako uchizva hako kuti hauna unhu. zvokutaura nehama sokunge havasii vanhu vakakosha, hazvifadzii vanhu. Unozvivengesa nemhuri wopedzisira wava wega. Kuva nemari hazvirevi kuti wakakosha kupfuura vasina mari. Ukafanemota yaunodada nayo, ivava vanhu vasina mari ndivo vanokuchema vagosarazve vachirera vana vako pasina mari.  Ukagwara, ndivo vanotumira chisikana chemhuri kuzokubikira chichitorovha chikoro.

Kuzvibata:
Mazuvano okuti murume ari Joni iwe wasara pamusha nevabereki vake, zvinonetsa kuti ugare uri munhu akazvibata kusvika murume adzoka. Ukanonoka kudzoka kumba kweshamwari yako vabereki vanofunga kutiwanga wanoona chikomba. Ukaenda kudhorobha ukasiiwa nebhhazi ukavatako, unoona ndondo nazvo. Kubvunzurudzwa kuti wakavatepi uye wakasiiwa sei nebhazi, ndiani akakuona, uye wakadyei. Munhu hwisisawo zvinhu zvinoita kuti vanhu vakufungire zvinhu zvakawanda.

Kungohwikwa uchitaura pafoni nevanhu vasingazikamwi pamusha apa zvinonetsa hana dzavo. Shandisa foni yako zvinoonekwa kururama kwazvo. Kana uri mumba mako hazvinyanyi kunetsa asi kana uri pamusha pevabereki vemurume funga nezvauri kuita. Kana zvikokisi zvabve Joni kumurume hwisisa marongero ekugovana nemhuri. Kungotora wonoviga kuBEDROOM kwako pamusha pane vanhu hazviiti.

Vanhu vakawanda vanononoka kuva pamwe nemhuri yavakaroora/rwa. hausiwe wekutanga kuvengwa. Hausiwee wekupedzisira. Iwe ndiwe unofanira kuziva kuti ndiwe mutsva pano. ndiwe unovaka ushamwari nehama dzako tsva idzi. Hwisisazve kuti zvkakuitpira ndiwe uchadzingwa pano. ukama hwako navo hwakasiyana nehwavo pachavo nomwana wavo.

Udzai Vamwe!!!!!

Saturday 10 November 2012

Mishonga yechivanhu

Mishonga yechivanhu yakawanda chose inoshandiswa pane zvakawandisa asi kana tichida kutaura chokwadi tinoti mizhinji yacho hapana chainoshanda. Asi pakutaura izvi kana tichitaura tine ungwaru tinoonazve kuti mishonga inowanikwa muzvipatara hapana chainoshanda.

Mishonga mizhinji inotengeswa kuti vakaigadzira vawane mari chete. Ukaverenga nyaya dzematest anoitwa pamishonga unoona kuti haana kukodzera pane zvinozoshandiswa mishonga yacho.

Hino yedu yechivanhu haitombotesitiwi zvachose uye hapana anonyora kuti mugwere amwe makapu mangani emushonga wacho.

Imwai mishonga muchihwisisa kuti kazhinji haishandi pane zvauri kufungira kuti ndizvo zvainoshanda.

Kana uchida kuita mari nokukasira, unganidza midzi isingaurai vanhu ugoiisa muzvibhodhoro ugoudza vanhu kuti inorapa chigwere chokuti  nechokuti. Uchaona kuti vanhu havana basa nokuti iwe nyakutengesa unoziva sei kuti mushonga uyu unorapa chigwere. Havakubvunzi uye havana basa nokuziva kuti umwe munhu akamborapiwa nawo mushonga uyu ndiani.

Kutengesa mushonga wechivanhu hazvinetsi zvachose. Hurumende haina basa nokuti uri kupa vanhu mushonga. Unongotengesa hako, vanoda kumwa nekapu vanomwa, vanoda kumwa nechipunu vanomwa.

Kana wada kuwedzera mari chienda unotengesera kunzwimbo yausingazikamwi. Vanhu havadi kutenga mushonga kubva kumunhu wavanoziva.

Pane zvigwere zvakawandisa murudzi gwedu zvinoonekwa navanhu sezvigwere asi zvisiri zvigwere.

Sokuti munhu aita mimba 

Unoona vakuru voenda kunotenga mishonga vokuisira muzvokudya. Kwahi uyu

Mushonga wekuti mwana asatanga makumbo pakubuda
Mushonga wekuti mwana aite mukomana/musikana
Mushonga wekuti masuwo avhurike mwana abude
Mushonga wenhova kuti isawira mumusoro wemwana
Mushonga wekuti mwana asafa kana abatwa nomunhu ane uroyi
Mushonga wekuti chibereko chidzokere pasaizi yacho nokukasira.

Sokuti munhu asvika makore gumi nemaviri kune mishonga inodiwa. 
Mushonga wekukudza chombo chomukomana
Mushonga wekudhonzesa matinji
Mushonga wekubvisa zviminyamutundo mumakumbo
Mushonga wekukudza bhinzi
Mushonga wekuti mazamu akure
Mushonga wekuti mazamu amire.
Mushonga wekumisa chombo
Mushonga wekuti ndigodiwa nomukadzi/murume
Mushonga wekuti mwana agone muchikoro
Mushonga wekuwanisa basa
Mushonga wekuchengeta basa
Mushonga wekuisa mumvura yekugeza yemurume
Mushonga wekutundisa mukadzi pakuisana

Pese apa hapana chigwere asi pane mishonga.

Ukatarisa pazvinhu zvechiShona zvinorapiwa uchaona kuti pane zvakawandisa zvisiri zvigwere asi vanhu vanonotenga mishonga iyi vachiishandisa vadaro vobva vonoudza hama neshamwari dzavo kuti mushonga uyu unoshanda. Uya ane bhizimisi rake rokutengesa mushonga obva atowedzera mari.

Chikwadi ndechokuti hakuna mishonga iyi zvainoshanda kungotambisa mari chete. Pamwe kutokuvadza mwana wako kana une mimba ichingodya mishonga isina basa. Kana waita mimba, mwana achatoti abude chete. Izvi zvakaitika kubva kare mabwe dzichi nhuku. Hakuna mwana anorega kubuda achiti nokuti mai havana kudya mushonga. Masuwo ekuzvara anongokura kusvika mwana abuda napo chete. Munyika dzese dzisina mushonga uyu vanozvara vana seiko?  Musaudzana nhema. Hazvivaki munhu kumuudza nhema.

Kana uchigaromwa mishonga yausingahwisisi kuti inorapa chii uye kuti une chigwere chacho here kana kwete, uchaona kuti pakuzopera kwemakore uchaita chigwere chetsvo ( KIDNEY ) nokuda kwe OVERLOAD yauri kudzipa pakumwa mishonga iyi. Hatisi kuti mishonga yeChiKaranga hapana zvainorapa. Tiri kuti imwa mushonga kana une chigwere chinoda kurapiwa. Mimba hachisi chigwere. Uyezve kana une mimba, mwana wako anodya zvese zvaunodya iwe, saka kana uchimwa mishonga uri kutofidhawo mwana mishonga yacho iyoyo zvinova zvinokwanisa kukuvadza mwana.

 Varipo vanotadza kuzvara zvakanaka vozoitwa OPERATION, asi hazvinei nemishonga yenhema iyi. Ndosaka zvimwe zvivana zvichingozozvagwa zvisina njere. Mai vacho vanenge vadya twakawanda. Wozoona mwana otadza kusvika kana Form 2 chaiyo nokufoira.

Vanhu vechiSHONA takadzidzsana nhema kubva kare zvokuti ukabvunza munhu chero akadzidza sei unohwa achikuudza kuti mishonga yechirungu koita mishonga yechivanhu. Yechivanhu kuti ishande inoda munhu anouya nayo otanga aita zvimwe zvinhu zvinotaridza kuti iye nemushonga wake ndivo vanoshanda. Mushonga wega haushandi, iyewo ega haashandi. Panoitwa zvimwe zvinotaugwa ipapo zvaunongoona wega kuti hazvinei nomushonga uyu. Zvinonetsa kuti tibve panyaya idzi nokuti takadziudzwa kubva tiri vanana.

Nyaya dzokuroyana
Kune vanhu vakawanda chose vanofunga kuti kune vamwe vanhu vanokwanisa kuroya vamwe. Ukabvunza munhu anotaura nezvekuroyana kuti kuroya kuita sei, unokasira kuhwisisa kuti haatombozivi kuti kuita sei asi anofunga kuti zvinoitika.  Anotokuudza kuti muroyi munhu anofamba usiku asna kupfeka achikwanisazve kuita sipidhi iri pamusorosoro kutopfuura iya inohi pachirungu SUPERSONIC SPEED, iri ngari yokuti kuroya kunongokwanisika usiku chete saka anofanira kuenda kwaanoda kuroyera nokudzoka kuzhe kusina kuedza.

Zvatauri venhema idzi vakaona kuti shuwa hazviiti kuti munhu ega akwanisa kudai ndokubva vawedzera zvinoshandiswa ndokutanga kuti varoyi
Vanovamba vakatasva bere
Vanofamva vakatsva zizi
Vanobhururuka murusera
ETC.

Wega kana wakachenjera unongoona kuti nyaya chaiyo hapana asi kuti nyakutaura uyu haatombohwisisi zvaari kutaura asi anongotaura zvaakaudzwa nomunhu waanoobatira pamusoro, sokuti mubereki, mbuya, sekuru, kana imwe hama.

Isu tine hama imwe yakadzidzi chose kuenda kumaUNIVERSITY matatu. ndokuita mabasa ari pamusoro. Ndokuzobata HIV muna 2007. Ikozvino ukaverenga FACEBOOK yake anotaura ipapo kuti akaroiwa namai vake nokuti paaishanda basa riri pamusoro ange asingavapi mari yakawanda. Ikozvino anogara muchitangwena chemakadhobokisi achiita mari yokupemhwa. Uku akamitisa vasikana vatanhatu, vamwe vacho vane HIV kubva kwaari.

Tichitarisa nyaya yakadai tinoona kuti hapana nyaya yeuroyi zvachose asi kuti murume uyu haana kugamuchira upenyu zvakanaka uye akasarudza kuita zvisina maturo. Iye ega ndiye akazviroya. Mai vake munhu anototamburawo kuti sei mwana wavo avakatamburira kudzidzsa ava kugara muchitangwena achinyora paFacebook yake kuti vanoroya. Vhiki yakapera akatoporomisa vanhu kuti ane PROOF yokuti mai vake ndivo vanoroya. Ukuzve ari kuti hama ngadzitumire motokari indomutora kwaari kuPretoria adzoke kumusha. Akadzoka ivo mai vake ndivo vachamuchengeta asi nhasi ari kupapadzira kuti vari kumuroya.

Nyaya dzevaroyi inyaya dzenjere chete. Kana usina njere unofunga kuti varoyi variko. Kana ukatora nguva uchizvifunga unoona kuti varoyi hakuna.

Kune vanhu ve ZANU PF vanoshungurudza vanhu mumaraini asi hakuna anombovaroya. Koita iye President wedu Mugabe. kuvengwa kwaanoitwa navamwe vanhu, asi hakuna anomuroya. Koti murume anohi Jonathan Moyo vanhu vaimbomuvenga chose asi hakuna akamuroya. Zvinofamba sei?

Udzai vamwe !!!!

ko sipo inoshandiswa sei kuvhura nzira

Mudyandigere


Munhu kuti ahi nimudyandigere anenge ari munhu asingashandi zvokuuisa mari kumba. munhu agere zvake pamusha akamirira kusapotiwa nomurume/mukadzi wake. kubva kare naare isu vakadzi tisu taiva vana Mudyandigere asi mazuvanounoona kuti kune varume vava kuzviitawo izvi, zvikuru muDiaspora.

Mudyandigerekadzi.
Mukadzi munhu ane mabasa akawanda pamusha. Murume achitora mukadzi anoona kuti nguva yokuvaka mhuri yaanoti ndeyake yakwana saka odawo kuita vana vake. anonotsvaka musikana waanoda oroora vese vobva vatanga kugara vese vachironga upenyu hwavo vakadaro. Mukadzichero ari mushandi, pane nguva dzakawanda dzaanombogara pamusha asingaendi kubasa. Zvikuru kana azvara mwana. Kune nyika dzakaita se UK dzinopawo murume mazuva okugara pamba kana mwana azvagwa asimuchaona kuti anopiwa vhiki mbiri chete mukadzi achipiwa nguva yakareba. Izvi zvinoitwa nokutimukadzi anofanira kumwisa mwana, kuvaka muvirii wake uya wagadzira mwana nokumuzvara, uye kuita zvimwe zvese zvinodiwa kuitwa mazuva ese. 

Mukadzi ane vana kurikare ainzi agare pamba achirera vana vake. Zvokushanda zvange zviri zvemurume chete. Mazuvano nyaya dzawandisa saka rufu gwazadza nyka yese, iri nyaya yechihure chongoti vanhu vese vane mhurinevasina vava kungohura. Kare murume aikwanisa kusiya mukadzikumusha iye achishanda kudhorobha ega asi asingahuri, mukadziwo achisara asingahuri. Mazuvano kungoparadzana kwezuva rimwe chete, unohwa zvohi murume akaonekwa and joki mumota, mukadziwo akawonekwa ane chikomba. Vana vanozvagwa mazuvano kana usina kuvaendesa kutest hauzivi kuti baba vavo ndevapi. Iyewo murume anoendesa vana vazvagwa mumba make kutest ane vamwe vana vari kureriwa noumwe murume kune umwe musha. Yangove nyaya yokurera vana vazvarigwa mumusha wako. Kana usina mari yokunotesitisa vana, haumbofi wakaziva kuti havasi vako kana kuto vaya vazvagwa nemahure ako ndevako.

Zvakadai tinoona vakawanda vachifa nguva isina kukwana. Zvinoreva kutimukadzi haachakwanisi kuita mudyandigere. Ava munhu asina nguva yakakwana muupenyu. Kana akada kuita mudyandigere anofa kana kufigwa nomurume vana vasina kupedza chikoro. Zvozodii?

Vanhu tese hatidi kufunga nenyaya dzorufu asi kana une maziso uchaona kuti vanhu vari kutofa zvakawandisa. Iwe nomurume wako hapana zvinokuraramisai kupfuura vamwe. Kana ukafa kana kuti murume wako akafa, vana ngavawane chokuvachengeta nacho.

Kugdzirisa nyaya iyi ngatibvumirane kutii mukadzi ane vana anofanira kushanda achiunza mari kumba. Kana waroogwa usingashandi, wana mukana wekuunza mari mumba. Shanda kana kuzvishandira uchiwana zvinhu zvokuchengeta vana nazvo. 
Chimwewo chinhu ndechokuti  mwana achikura anofanira kukudzidziswa zvinhu zvakakosha muupenyu. Mwana akaona mubereki achishanda, anokoshesa kushanda okura achiziva kuti kushanda chinhu chakanaka.   


Mudyandigererume.
Kubva kare murume haadyi agere.Vanhu vanooseka murume anosara kumba achiita mabasa emumba muadzi achienda kubasa. Vakadziwo vanoona sokuti ndiye ava samusha kana achishanda murume asingashandi. Unozoonazve kuti murume anoruza confidence otanga kuita zvisina mature. Pane umwe anogara pedo nesu akazoti mukadzi obva kunight shift ndokuwana murume avete nehure mumba, Votukana akaudza mukadzi kuti zvokuvata ega vhiki yese haazvikwaisi. Ipapomukadzi aishanda 72 hours per week, odzoka kumba ovata murume amuka.  Varume hhavagoni kudyavagere.

Asizve kune vamwe varume vanoti uku hapana masa emumba aanogona, uku haashandi. Mukadzi anomuka oenda kubasa, odzoka oitazve mabasa emumba murume aswera akangogara mumba kana kuti aenda kunomwa doro neshamwari dzake. Ukaona wadanana nomurume akadai chikasira kumusiya utsvake umwe, zvikuru muno mu Diaspora. Mabasa mu UK ariko asi kungoti pamwe anenge asiri mabasa akakodzera.Ukaona murume asingashandi ziva kuti haadi kushanda. Ukaita vana naye watozvipinza pakaoma.

Asizve kunowanikwa murume anoda kushanda, aitomboshanda, ndokuzomiswa nenyaya yokushhaikwa kwemapepa munyika yauri. Haisi mhoswa yake kana mapepa achinonoka kubuda. Asi iyewo ngaachifanobatsira mukadzi anoshanda pakuita mabasa emumba  pane kuswera munhu akagara mabasa asina waita.

Murume asingashandi ane nguva yokuswerofunga zvaanoda kuita nomukadzi kana mukadzi adzoka kubasa. Hazziiti kuti mukadzii adzoka kubasa akaneta osvikoita mabasa emumba, ozodazve kuita mabasa emumba yokuvata. Kana adzoka kubasa mupewo zvokudya agere pasi. Wonomukwiza mubhavhu paanogeza womukurudzira kukasira kunovata momboitawo nguva yenyu pamwe chete.

Kune vakadzi vasina njere. Kana wakaroorana nomukadzi akadai unnona kuti kana usingashandi anokutsoropodza agokurambidza kuvata naye, agokuitisa sechimwana chidiki. Agotaurira shamwari dzakonehama dzako kuti hapana zvauri, haugoni chinokana chino. Paunozowana basa unenge usisiri murume anohi samusha. Kuzoda kudzokerana pamange muri kare zvinozokunetsai cheromari yavapo pamusha. 

Munyika dzisina mabasa:
Munokwanisa kuenda munyika isiri yenyu mosvikowana nyika iyi ine rusaruraganda zvokuti murume/mukadzi anokwanisa kushaya basa asi ari munhu akadzidzira mabasa akawanda. Sokuti uri Dhokotera, unokwanisa kunyimwa basa rawakadzidzira. Fanoshanda basa rinowanikwa uchiriritira mhuri yako uku uchitsvaka basa rako nokuwedzera kudzidza.

Kugara mumba usina chauri kuita kunobvisa rukudzo uye kunokuitisai kuti mupopotedzane mumba. Musha wakanaka hauna bopoto.  Vanhu shandai murere mhuri dzenyu. Zvokuti murume/mukadzi anotambira mari yakawanda saka iwe woda zvokugara mumba hazviiti mazuvano.


Kurambana:
Unokwanisa kugra mumba uchifunga kuti zvokushanda hazvina basa, wotadza kuverenga nokutsvaka basa. Kozti nguva yafamba murume/mukadzi wako okuudza kuti haachisina rudo newe. Uchazodii pakadaro. Unowanepi umwe akaita saiyeye iwe wava munhu akura? Munhu gara wakagadzirira upenyu uri munhu akakwana pane zvaanoda kuti ararame.  Kana uchiwana promotion kana kukudza bhizimisi rako ita izvozvii uchine ENERGY yakakwana.

Murume/mukadzi anokuudza kuti usashanda munhu anokuudza nhema. Munhu asingadi kuti utarise upenyu sezvahuri. Munhu asingatarisiri mberi as anotarisa zvanhasi ofunga kutii upenyu hwenyu huchangogara hwakadaro kusvika vana vakura mave nevazukuru. Munhu akadai haazivi upenyu. Gara naye pasi muronge.

Munhu anokurambidza kudzidza kana kukunyima nguva yokudzidza munhu asingakudi, uye asingadi vana vako. Munhu anoziva upenyu anogadzirira upenyu.

Ikaona hama yako kana shamwari yako ichitsvaka basa zama kumubatsira awane basa nokuti kumba kwake kune nhamo inoda awane basa. Kana tese muraini tikashanda, raini redu rinova revanhu vanobudirira. Nhasi iwe une basa. Mangwana unokwanisa kunge usina basa. ndiani achakubatsira kuriwana.

Murume wako kana asingashandi murume wako chete anopiwa abasa evarume apamusha
Mukadzi wako kana asingashandi mukadzi wako chete anopiwa mabasa evakadzi apamusha.

Ngatisaputsa dzimba dzedu nenyaya yokuti umwe haashandi. Asizve iwe zvokudya ugere mabasa ariko siyana nazvo.


Udzai vamwe!!!!!!






                                                   

Tuesday 23 October 2012

Zemo remunhukadzi


Zemo remunhukadzi rinokonzegwa nezvaari kufunga panguva iyoyo. Vanhukadzi kana hana yakagadzikana, pasina chinokonzera kufunganya, muviri unowanzoita zemo. Zemo  pamwe rinongovhakasha usingarifungiri. Hino unohwa varume vachitaurirana nhema kwahi mukadzi wangu mazuvano haasii kunyanyoda zvinhu. Unohwa shamwari yake ichitobvumirana naye kuti dambudziko riri kumukadzi wake.

Murume akachenjera anowana mazano okuti kana mukadzi akaita zemo iye oona kuti anoriwedzera sei. Mushonga wezemo ndimumwe chete. Hakuna umwe mushonga. Kana waitisa mukadzi zemo, unopedzesira wapiwa mukana wekurapa munhu chete. Kana usina kuhwisisa ipapa ndiwe murume ane dambudziko, kwete kufamba uchiudza vanhu kuti mukadzi wako mazuvano haadi zvinhu.

Munhu umwe noumwe ane zvinhu zvinomuisa mufungwa dzinotanga zemo. Pamwe unotoshaya kut zvabva nepi. Kana iwe une umwe wako mumba, unofanira kuziva kuti chinomuitisa zemo chii kuti ugokwanisawo kuita zemo panguva imwe chete naye kuti mugo rapana mese.

·         Ini ndinoona kuti ndikafamba nechitima kana bhazi, kujata kwarinoita kuya kunoitisa zemo.
·         Ndikaudzwa  nyaya dzezvimwe zvatakaboita tese, ndinoita zemo.
·         Ndikatamba nomurume, sokuti murume ondidzinganisa mumba kana pazhe, ndinoita zemo.
·         Ndikavata zvakanaka kuseni kwacho ndinomuka ndine zemo.
·         Ndikagezesa murume mubhavhu kana shawa, ndinoita zemo.

Iri izemo riya rokuti unongohwa kutipano ndava nezemo asi kana ukari iginowa rinzongopera haro. Zemo remukadzi harikasiri kubva. Rinotora nguva yakati kuti richingokuyeuchidza kuti riripo. Uku kuitira kuti pakunonoka apa murume angaitawo zemo mozopana mushonga.

Murume akangwara anokuchidzira zemo romukadzi wake kuti zvifambe. Mukadzi akafunga kuti murume wake ari kumufungira zvokurapa zemo, anobva afunga zvakawanda zvinoitisa zemo oitawo zemo. Akaswera zuva rese achingofunga nenyaya yema bhiri emvura, magetsi, mukaka wemwana, etc,  mari yacho pasina, anozoshaya nguva yokufunga zvezemo.

Murume akangwara anoziva kuti zemo romukadzi rakafanana nemota yasiiwa ichitinhira injini yayo dhiraivha pasina. Kana dhiraivha akazodzoka haitani kufamba. Murume akakurudzira kuti mukadzi aswere ane kazemo kadikidiki manheru vava vese hazvizonetsi kukwidza zemo kusvika pakuda kuripa mushonga waro.

Chinhu chinonetsa pavarume vedu vechiShona kushaya CONFIDENCE  yokutaura zvinoda kutaurigwa mukadzi. Kune varume vakawanda vasingadi kuita shamwari yomukadzi waanaye mumba, Anoona sokuti akashamwaridzana nomukadzi, mukadzi anozomudherera.  Inyaya yokuti anozviona sa Manager wapabasa anomaneja vanhu vakadzidza basa kumupfuura. Munhu wakadai anongoita zvokupopota kuti vanhu vazive kuti aripo, asi basa chairo haagoni.  Ndizvozvo nomurume asingazivi kuti kuva murume wemunhu zvinoitwa sei. Anongoda kugaroyeuchidza mukadzi kuti iye murume ndiye mukuru mumba. Pane kuti dai achiita zviitwa nomazvo mukadzi wacho ndipo paaitomukudza kupfuuridza.

Vakadzi zvido zvedu zvishoma shoma. Tinongoda SECURITY inobva pakuziva kuti, murume anondida, Murume haana meso meso, Murume anofarira kuvata neni, Murume anondifunga kana ndisipo. Murume anofarira zvandinobika. Muiri wangu unoitisa murume wangu zemo.  Saka murume akangobata mafungire iwawa, ogarokuchidzira zvinoitisa zemo, mukadzi anobva atoona seagarika osununguka mumba make, zemo harichanetsi kuita.

Hino murume akada kuita sezvinoita bhosi wekubasa, vashoma vakadzi vanoitiswa zemo nabhosi wavo. Vakawanda vanovata na bhosi kutsvaka mari chete, hapana rudo kana zemo. Murume akadai anongozopedzisira ongovata nomukadzi zvechibharo hazvo mukadzi asina zemo.  Kuvata nomurume zvokuti nokuti murume ati vhura ndiise, kwakasiyana nokuvata naye nokuda kwezemo.

Nyaya ye SELF –CONFIDENCE  yemurume ndiyo inonetsa kugadzirisa. Murume wekukomhanisa anongofunga zvokuti oita sei kuti mukadzi azive kuti ndiye samusha kusaziva kuti mukadzi akatouya achiziva kuti ndiwe samusha kare. Akavinga rudo saka mupe rudo nyaya ipere. Zvese zvimwe unozopiwa mahara pasina mubvunzo.

Zemo romukadzi haridi kungotangira ipapo. Rinoda kuita segondo rinombosweroongorora huku dzichitamba pasi apa, rozoti ava masikati robhururukira pasi huku dziya dzopera samba. Murume swera uchiumba zemo romukadzi, muudze nyaya dzinonakidza, muudze kuti ari kunhuwirira,  muudze chakanaka paari chaunoda. Kana uri kubasa mutumirewo message pafoni yake inomusetsa kana kumufungisa kuti uri kumufunga.  Muudze zvinhu zvaasingafungiri kuti wazviona. Sokuti kana akakotama achiita chimwe chinhu, mangwana acho muudze kuti wakaona chiuno chake akakotama ukaita zemo. Chirondedzera zvakawanda zvawakaona nezvawakafunga ipapo.  Mukadzi haakangamwi zvinhu zvakadaro. Anofara kuhwa kuti anokuitisa zemo, iye okasirawo kuita zemo.

Zemo remukadzi riri paviri. Rinonoka kuuya, uye rauya rinonoka kubva. Kana mukadzi aita zemo mukatamba zvokukwidza zemo. Mukazoda kupana mushonga wezemo, murume akangoti kupinza  nokudiridzira panguva imwe chete, mukadzi anosara ane zemo rinogara nguva yakawanda.  
Kana murume achiziva kuti anokasirira mukadzi, bheta kumbowedzera kukwizirira pamberi pemukadzi nokumubatabata dzimwe nhengo dzomuviri nokumukisa zvakadzika zvine rudo. Wozopinza mukadzi ava pedo.

Zemo romukadzi rine nguva yarinowanzoita rega. Vakawanda vanoita mangwanani pakumuka paya. Varumewo vanodaro. Murume anopepuka chombo chakati twii zvokutimukadzi akangopurudzira murume anobva atoda kurapa zemo. Nguva iyoyo mukadziwo anomuka ane zemo rinoda kuti murume awedzere nokubata bata mukadzi. Murume ngaahwisise nguva idzi odzidza kutaura nomukadzi wake seshamwari panguva dzakadai. Munhu anokupa chiuno chake chese kuti uite zvawada, ndiyo shamwari yako chaiyo. Ziva mashoko okutaura naye anowedzera zemo rake.

Manheru pakunovata kana mukadzi akasununguka pamoyo, murume akamugumbatira akamuudza zvinyaya akamuudza zvaaswera achifunga, kana ange ambomutsa kazemo kadiki kare, mukadzi anowedzera zemo.

Zemo romukadzi rinoda kugarokuchidzigwa moto zvishoma nezvishoma zuva rese. Manheru mava mese wochiwedzera huni moto wagara uchipfuta. Kuti murume ava nezemo oda kutanga kuti mukadzi ngaaitewo zemo, hazviiti. Rinonoka kuuya. 

Murume asingahwisisi mafambire ezemo romukadzi wake munhu akafanana na dhiraivha asina magwaro ekudhiraivha. Haakwanisi kuita Confidence yokuziva kuti mukadzi wake anoda kuvata naye kupfuura kuda kwake iye kuvata nomukadzi. Ndiye munhu waunohwa achiudza shamwari yake kuti muzuvano mukadzi haasi kuda zvinhu. Mukadzi asingadi zvinhu kushaya mukana wekunakigwa nawo pazvinhu.

Kusahwisisa zvinoitika mumuviri weumwe wako kunokonzera kushaya mufaro mumba uye kushaya zvakavinga mukadzi pamusha uyu. Rudo ndicho chinhu chokutanga mufungwa yomukadzi. Akaziva kuti anodiwa, uye haana competition, fungwa dzake dzobva pazvinhu zvisingavaki dzoenda pane zvinovaka musha. Kuvatwa zvinogutsa kunovakisa musha.

Kuti mukadzi anzi aguta anenge apiwa nomurume kusvika aitawo ORGASM yake, zemo roperera ipapo, kwete kuti murume opedza kudiridzira osiya mukadzi achine zemo. Ngatigute tese mumba. Umwe womusi zvinoitika kuti murume akasire, zvikuru kana anga agarisa asina kutapudzwa urume, asi ngazvirege kudaro mazuva ese. Ukaona zvogaroitika kuti unotangira mukadzi wako. Bvunza Mai Chibwe kuti unonoka sei kutunda.

Mukadziwo dzidza kukasira kubva zezo murume achikukoira. Chombo chapinda, isa fungwa dzako pakutevera makoirire ari kuita murume wako fungwa dzako dzizive kune chombo uye zvachiri kuita uye kuti zviri kunakira murume wako. Rerusa muviri ude kuita Orgasm. Isarega fungwa dzichifunga chimwe chinhu dzichibva pakuiswa apa. chemerera, uye udza murume mahwire auri kuita kunaka kwechombo. Kana maoko ako achikwanisa kwizirira matinji murume achikoira. Tarisa kueso kwemurume uone kunakigwa kwaari kuita nomuviri wako.  Uchaona kuti unokasira kupedza kana kupenderana nomurume.




Udzai vamwe!!!ku
Zviratidzo zvemukadzi kana achida kuiswa

Saturday 13 October 2012

Kufigwa nomurume/mukadzi


Kufigwa
Pakuroorana vaanhu vanoporomisana kuti vachadanana kusvika parufuasi pauviri hwavo hapana anenge achimbofunga kuti rufu guchatoitika.  Hapana anogadzirira hana yake kuti achaita sei kana paitika rufu.  MMaroorana kazhinji munofunga zvokuita vana. Hapana anofunga kuti upenyu hwevana huchaffamba sei kana umwe wenyu vabereki akafa.

Tikatarisa magarire evanhu mazuvano tinoona kuti pane zvakawanda zvinokwanisa kuuraya munhu pasina notice. Tinoona kuti vakawanda vanofamba nezvifambiso zvinokuvadza zvakaita se:
Motokari
Mabhazi
Magonyetti
Ndege
Mabhaskoro
Ngoro
Tinoonazve kuti vanhu vanoenda kunyika dzakasiyanasyana kune zvigwere zvavasina kukura nazvo kureva kuti miviri yavo haina kugadzirira kubata zvigwere izvi. Kana vakazvibata vanokwanisa kufa nazvo.
Tinoonazve kuti kuhura kwawanda mumisha zvichireva kuti vanhu havachina matyira. Tinoonawo kutivakawanda vanohurirana mumba vachipanana zvigwere zvechihure vachiita nguva yakareba vasina kududzirana kana kuenda kundorapiwa. Zvigwere izvi zvinopiwa vana vanozvagwapo vokura vasina utano.
Tinoonazve kuti mukufamba kwevanhu kwawanda kudai vanosangana nnavamwe vafambi munzvimbo dzakasiyanasiyana uye pamwe vanomirira chifambiso vese vari munyika isiri yavo. Vanokwanisa kuvata pamabhazi vese varivo chete vanotaura chiShona.  Vanokwanisa kuita nyaya kubva muHarare kusvika kuCape Town.  Ipapo vanombovata mubhazi zvoitika kuti musikana anotsamhira murume wemunhu vakakotsira. Pakufamba pane nyaya dzokuti munhu asvika kwaari kuenda anoshaya kwekunovata. Vanhu vedu vechiShona havadi kufanofonera vanhu kuti vazive kuti hama dzichavhakasha. Munhu anosvika asina notice owana pamabhazi emuJobheki pasina akamirira. Uya apedza 12hours achitaura naye nyaya omuhwira tsitsi oenda naye kumba kwake, ipapo asiya mukadzi ane vane kuZimbabwe.

Mazuvano tinoona vafambi vakasiya varume/vakadzi kuzimbbabbwe vakaenda kunyika dzakawanda, UK, Germany, France, USA, PPortugal, India, Australia, Canada, RSA, Botswana, Namibia, Zambia, Malawi, Moza, etc. Ikoko vanosangana nevarume/vakadzi vamwe vari padambudziko iroro. Vanshamwaridzana nevamwe vanhu vsina kumboroorana noumwe munhu. Vanovhakashirana panguva dzisingaiti. Vanoita nyaya dzisinna kukodzera.

mazuvano tinoona vakawanda vachisvika kunyika dzavasina hama vasina mari yokubhadhara mhotera. Tinoona vachiitigwa nyasha navamwewo vekumusha asi zvichikwanisika kuti uya aita nyasha dzkupa munhu pokuvata kwevhikimbiri ange agara makore maviri asinawomukadzi wake. 

tinoonazve vamwe vachishaya mari munyika isiri yavo kuzvika pakusanganisa shoma yavanayo kuti vakwanise kubhadhara rent vobva vagara pamwe chete asi uku uyu ane mukadzi kumusha uyuwo ane murume kumusha. Nhamo yavapinza padambudziko ravange vasina kuronga.

tinoonazve uya aitigwa nyasha achiona sokuti akabhadhara nomuviri wake anenge aita mukana wekuwedzera nyasha dziya dzaapiwa, iri ngari yokuti mari haana. 

Pakufamba kwakawanda kwevanhu pane chihure, pane rufu, pane zvigwere, pane kusavimbika uye kusarangarira mhiko dzamakapanana pamuchato. Nyaya dzese idzi dzemazuvano dzange dzisiko kare, dzawedzera rufu.

Mazuvano tinoona mugwahwa yenyika dzakawandaa ichiwedzera zvifambiso asi pasina anogadzira migwagwa iyi.Tinoona njodzi dzemumigwagwadzichiwedzera. Tinoona mabhazi asina anoda kugadzira achingotakura vanhu. Tinoona madhiraivha asinei noupenyu hwevanhu. Inoverenga nezvekukuvara kwevakawanda.

Mazuvano tinoona vakuru venyika vachinorapiwa kune dzimwe nyika kureva kuti hosipitari dzemunyika dzavo hadzina kukodzera kurapa zvakanaka. Tinoona kuti vakawanda vari kufira muzvipatara nokuda kwekushaya mishonga. Tinohwa kuti vamwe vanopiwa magwaro ekuti vanorapiwa kuSouth Africa ipapo mhuri isina mari yokusvikako kana kutenga mishonga.  Tinoona zvipatara zvangove nzwimbo dzokutandara kwema nesi.  Tinoona varapi vanorega vanhu vachifa nokuti hapana hama yaita chiokomuhomwe.
Tinona vanhu vanorova nokuuraya vanhu nokuti vanosapot party yakasiyana. Tinoona vanhu vanorhepa hama dzmunhu anosapota party yakasiyana. Tinona vanhu vanosungwa nokuzoshaikwa nenyaya dzematongegwe enyika. Tinoona vanhu vanobaiwa majekiseni ezvigwere nokuti vasapota party isiriyo.

Pakuroorana mazuvano, ane njere anokasira kuhwisisa kuti kupanana mhiko dzokuti tichadanana kusvika parufu chinhu chinofanira kutauriranwa pauviri hwenyu nokutikufa kweumwe wenyu kunokwanisa kukasira kuuya.  Rufu haguchashamisi pavanhu vedu.  Kune zvakawanda zvinouraya zvange zvisiko kare. 
Izvi zvinoreva kutimese murume nomukadzi hwisisai kut kana umwe wenyu kafa, akasiya umwe nevana panofanira kunge pane mukana wekurera vana ava. Musikana ane fungwa yokuwanikwa anofanira kuhwisisa kuti musi waachasiiwa ega murume afa kuchema hakumurereri vana.  Anofanira kuva nezvaanoita kuti azokwanisa kurera vana vake. Musi waanosiya murume ahurigwa, anofanira kuziva uti vana vake achavarera sei.

Kudzidza kunodhura uye kunotora makore akawanda kupfuura makore okuita vana, asi kudzidza ndiko kunorera vana. Kuwanikwa usina kana  mukana wekutambirawo kamari kako wega zvinoreva kuti hauhwisisi kuti mazuvano upenyu hwakamira sei.  Kana usina kudziidza zvokusvika pakuwana basa, itawo chimwe chinhu chinokupa mari yokubatsirana kurera vana.

kozotiwo vamwe varume vanofunga uti kana mukadzi akatanga kutambira mari anobva azviona sokuti murume. Varume vakadai ukaona wadanana nnaye, kasira kumusiya utsvake umwe nokuti upenyu hwako nehwevana vako huchakunetsa zvese ari mupenyu uye afa. Musi waanodzingwa basa munoshaya chokudya mumbba nokuti hapana umwe munhu anotambira mari.

Vanhu ipananai mazano ekuwedzera mari inouya mumba, kwete kutukanirana kuti mukadzi anodirei kushanda kuita sokuti murume.

Kana waroorana nomunhu akachenjera, ziva kuti kugadzirira rufu chinhu chinorera vana vako. 

Udzai vamwe!!!!!!!!

Sunday 23 September 2012

Murume asina Confidence


Kaa wawanikwa nomurume asina Confidence pamaitire ake semurume,uchaona kutimumba menyu ndiwe unofanira kuita mazano eupenyu asi unofanira kuita wakachenjeranokutivarume vakadai vanokwanisa kukuremadza.

Murume asina Confidence pamaitire ake anda kuti vanhu vembhuri yake vazive kuti iye ndiye murume, kuita sokuti pese apa vange vasingazivi kutimurume here kana kutimukadzi. Anoda kugaroyeuchidza mukadzi wake kuti iye ndiye mukuru wemusha. Unohwa achitobvunza mukadzi wake kuti Anopfeka tirauzi munomumba ndiwe here kana kuti ndini? Zvinoreva kuti haatombohwisisi kuti kana vanhukadziwovanokwanisa kungopfeka tirauzi asi kupfekwa kwetirauzi hakuitisi munhu murume kana mukadzi. Kutiupfeke chero chawapfeka unenge watogara urimukadzi/murume nechekare.

unohwa murume mukuru achikuverengera Bhaibheri  kwahi zvakahi 2Mukadzi muviri wako hausi wako wega ndewedu tese.” Kuita sokuti iwe wambomurambira. Iye ega anoziva uti unyanzvi wekuvatana haadi kudzidza saka ava kuda kukuitisa Saikoroji yokuti chero usinganakigwi ubvume kuvata naye chete.

Iwe hauna kumbotii hauchadi, wakangoti unodawo kunakigwa sezvaanoita iye saka ava kutya kuti pamwe ungazoramba ndosaka ava kukuverengera. Asi paya pakahi “Varume idai vakadzi venyu.” Haachadi kupaverenga nokuti panozomuudza kutirudo kana guripo zvinofamba sei.

Mukaenda kuChechi unohwa murume wako iota nharo nevanhu vakuru vemuchechi kwahi mukadzi ane bas airi neiri neiri. Mava kumba ukamuti akuratidze muBhaibherikuti akazviverenga papi unohwa kuti haachazivi asi zvirimo. Kuda kukupa saikoroji yokumuitira zvaanoda chero paadira iye asina RESPONSIBILITY yokukuitirawo zvaunoda chero kamwe chete pavhiki.

Murume asina Cnfidence ukambodawo kuenda pamusoro pake pakuvatana anokuudza kut wava kuda kuzviita murume mumba. Kwahi pamusoro ndeemurume chete. Anofunga kuti kuva pamusoro pakuvatana ndizvo zvinoratidza kuti murume. Haahwisisi kuti kuva murume hunge une chokupinza mumukadzi zvisinei nemaitire enyu musi wacho.

Murume asina confidence anorega vana vachiziya nezhara akamiririra kutimukadzi asvike kumba kubva pagwendo. Anofunga kuti kubika zvinomuita mukadzi. Haahwisisi kuti kubika chinongovawo chinhu chinoitwa navanhu kuti vararame. Hakuna munhu akambochinja akkaita mukadzi achiti nokuti abikira vana vake.
Murume asina Confidence akangopopotedzana nomukadzi unohwa opembedza nyika yese achiudza hama dzake kutimukadzi wake haamutereri kuita sokutimukadzi wake chimwana chidiki chinoudzwa zokuita nababa kana mai. Haahwisisi kutimukadzi munhu mukuru ane fungwa zvokuti anokwanisa kufunga kumudarika zvinova zvinokwanisa kuvaka muusha wenyu.

Murume asina Confidence ukangoita sokuda kudzidza kumupfuura matova nedambudziko pamusha. Unkwanisa kutorambwa chero uchimuda sei. Kwahi kudzidza ndekwevarume chete. Iwe ukatoda kubvunza kuti kana kuri kwevarume chete wadii kuchiramba uchidzidza kutindisambokubata kana kukupfuura, unohi wava kutomushora.

Murume asina confidence anoti ukawana basa rinopa mari yakapfuura yake kwahi usagamuchira basa rakaaro nokuti unozoda kuita murume mumba. Kutoti bodo, mari ndeyedu tese saka rega ndiite, kwah hazviiti, murume ndiye anofanira kutambira mari kupfuura mukadzi nokutimukadzi haafaniri kuita njere. Kana ukatanga bhizinesi rako ukaona wava kuwana mari yakawanda kumupfuura, chitoona kuti unovanza imwe mari nokuti ungarambwa.  

Murume asina Confidence ukamupindura paanokupa zvirongwa zvake zvisina musoro anokurova nokuti haadi kuti uve munhu anofungawo chimwe chinhu kuzhe kwekuti murume ndiye ega anobvumigwa kutaura.
Murume asina Cofidence, kana waroorana naye anochinja upenju hwako kusvika pakuti akasakuuraya, iwe unozviuraya nokuti haasi munhu wekugara naye. Hapana chimwe chinhu chimwe mumba chaungati anoita zvakanaka. Zvese zvaanoita ingari yokuti ndizvo zvaakakura achiona vabereki vakke vachiita. Ukaita vana naye, vana vako ndizvozvavachaita kana vakura nokuti vanenge vakura vachiona maitire enyu mumba. Ukaona murume waunoda kuroorana naye achiita zvimwe zvezvizvi musati maroorana, siyana naye utsvae umwe ane njere.

Kuva munhu ane mush chinhu chikuru zvokuti hauna nguva yokuswerodanana nevanhu vasina chavo muupenyu.

Udzai vamwe.!!!!!!

Tuesday 18 September 2012

Murume anokasirira mukadzi.


Zvinonetsa kutsanangurira murume kuti kukasirira mukadzi zvinoita sei kumukadzi wake. Kukasirira mukadzi zuva nezuva chinhu chinoshungurudza munhu kusvika pakufunga kuti akakanganisa pakusarudza. Iyi iri muTop three panyaya dzinofungisa mukadzi wemumba kumboda kuhura. Varume svinurai nokuti akahura, ukamubata, ukamuramba, wechipiri waucharoora achakuhurira futi nenyaya imwe cheteyo, wobva wapedza mari uchienda kun'anga dzinokuudza kuti une munyama unoda mari kubvisa, izvo bodo uri kungotadza kugutsa vakadzi. 

Chinozonetsa ipapo ndechokuti mukadzi anotanga achitaura kuti akasirigwa. Ozosvika pakuona kuti kutaura kwake hakuna zvakuri kushanda nokuti murume haasi kuterera obva angonyarara, murume uya asina zheve ongoramba achidaro.

Zviri nani kumukadzi kusatombovata nomurume pane kuti uku zemo rakwira wava nemachakwi zasi uri kutoda kuti murume dai achipinda, iye opinda obva angoita seoda kukoira obva ati apedza,  Mukadzi otosiiwa ati vavava pasisina chake.  Vakadzi vakawanda tinombosvika pakadai. Unotohwa rume riya ranga richisiririka zemo 2 minutes ago rava kutoridza magwiriri kutaridza kuti haatombokendingi zvake.

Ipapo ndipo paunozvibatsira nemaoko nokuti zemo risina kupedzwa rinoita nguva kubva roga. Unotomboshaya hope naro, ipapo uchingohwa magwiriri emurume ange achifanira kupedza zemo unombofunganya misodzi yomboerera yoga zvayo neshungu, wozvibvunza kuti chandakanganisa chiiko apa. Womboda kuziva kuti pane musi wawakabonyatsokwigwawo here ukahwa pane moyo.  Fungwa dzinotanga kusvika pakufungira murume zvakaipa, kuti haachandidi, ari kundishandisa, ari kuita utsinye, chii chii. Iye murume wacho ipapo ava kutorota zvake iwe wakangosvinura. Paunozvibatsira haatombohwi kuti kurikuitikei nokuti iye aguta saka hope dzabata. Asi paanomuka anoda RESPECT. Zvinoita here.

Murume anokwanisa kuhwisisa zvandataura izvi murume anotanga kuhwisisa kuti nyaya yokukasirira mukadzi yakaipei. Kana uchiziva kuti uri kukasirira mukadzi wako, bheta kurega kuvata naye hako. Asizve ukarega kuvata naye iye achatangazve kufunganya nazvo. Zvinoreva kuti iyi inyaya yokuti iwe murume kana wava nechiito chokukasira, tanga kuudza mukadzi kuti wava nechiito chakaipa zvokuti unoda rubatsiro  mese mochitanga kugadzirisa nyaya. Inyaya inogadzirika saka gadzirai.

Tese takabva neko. muchangoroorana paya muchiti kungosvinura motoda kuvatana, murume anombononoka nokuti muri kuwanza zvinhu. kunozoti mava saimba nomukadzi moda zvinhu kamwe pazuva ndipo dambudziko rinotanga. Udza mukadzi/murume kuti munofanira kuwedzera kuvatana kuti nguva imboreba murume ajaira kudziya kwemukati memukadzi.

Varume dai mazama kuhwisisa nyaya iyi mukaona kuti yakaipei. Akuruma zheve ndiye hama yako chaiyo. Taona vakawanda vachifa mudzimba nenyaya dzokuhurirana. Nyaya yokukasirira mukadzi ndiyo huru pane dzese dzinokonzera vakadzi vemumba kuda kuhura. Zviri nani kuramba kuvata naye pane kumunyemudza zvinhu zvake. Kana wada kuvata nomukadzi wako chimbozamawo kupedza nguva urimukati make.

Mombotamba henyu muchikisana muchipurudzirana muchinanzvana kumeso, huro, zheve, dumbu moitaw kusvika mukadzi ave nemachakwii kuchitubu.Iwewomurumme pota uchipinza mimwe uchikwizirira mukati kuWALL yokumusoro kwakananga kubhinzi. Uchahwa kutipane pakaita chinyama chakagwinya chinohi G spot. pedza nguva uripo.

Kuzoti wapinza kubva pakupinza koirawo uchiziva kutimukadzi anofanra kuguta. Mukadzi akaita ORGASM  yake iwe chikoirawo madire umupe urume, mozovata henyu nyaya yapera zvave zvamangwana.

Iya yokungoti kupinza nokutodiridzira pamwepo bodo. Unozvishaisa rukudzo kubva kumukadzi wako.

Chii chinokonzera murume kukasira.
Nyaya yokukasirira mukadzi inokonzegwa nokusahwisisa kuti pakuvatana tiripo vaviri uye tese tinofanira kuda chinhu ichi kuti tizokwanisa kuchiitazve. Varume vanona sokuti iye mrume ndiye ega ari kukwira mukadzi mukadzi asinei nazvo. Kana uri murume ane mafungire akadai, bheta usaroora. Tsvaka hako mahure ukasire kufa nokuti ukaroora unoshungurudza munhu akazvipira kukuda.

Kusaona mukadzi wako somunhu ane maFEELING nemaNEEDS ndicho chikonzero chokumukasirira. Zvinonziwo varume vakawanda vanokura vachitambisa chombo nemaoko kuti abve zemo achiri mukomana. Pakudaro anoita achida kukasira kubva zemo. Vanoziva vanoti zviri nani panguva iyi kudzidza kuti ukambotambisa chombo wombomira, wotambisazve, wombomira, uchingodaro kuti paunozobudisa urume unenge waita nguva yakareba uchiita. Kwahi kuda kukasira pakuzvipedza zemo wega ndizvi zvimwe zvinoitisa kuti kana wazova nomukadzi ungoti kupinza nokudiridzira pamwepo.

Zvimwezve ndezvokuti kana usina kuchekwa ganda zvinoreva kuti chimusoro chechombo hachina kujaira kukwizirigwa. Ukapinza mumukadzi chikangohwa kukwizirigwa nokudziya kwemukati wobva watobudisa urume.

Vamwe varume kana atotanga kukasirira mukadzi, haacharegi pasina rubatsiro. Vamwe vanoda kurega asi zvinovanetsa. Imboverenga pano paBLOG panyaya yakahi


Kunonoka kudiridzira mukadzi


Nyaya iyi inopa mamwe mazano okuita kuti muwedzere nguva. Zvinotodzidzwa nemi mese kwete kuti murume ega azviite. Mukadzi anofanira kumubtsira.

Regai ndigumire pano. Tsamba dzevanamai vemba dziri kungouya dzichitowedzera kuwanda nenyaya yokukasirigwa mumba nomurume wako wemumba anofanira kuti ndiye anokupedza zemo.


Udzai vamwe!!!!!!!
kukasira kutunda kwevarume pabonde

Wednesday 5 September 2012

Kudanana ne Nherera


Kukura  uri nherera chinhu chikurukumhunhu wacho nherera. Chokutanga ndechokuti unokura pasna munhu anokuhwisisa zvaunofunga uye zvaunohwa mumuviri mako. Kana uri nherera hauna munhu weropa waunokwanisa kutaura naye kana kuudza zviri amoyo pako. Kazhinji munhu nherera anopedzisira angova munhu kanyarara asi hazvirevi kuti hapana chaanofunga. kungti haana wekuudza.
vanhu vakawanda vanofunga kutii kana paita nherera pamusha pakangowanika umwe munhu anotora mwana orera, zvakangofanana nokurera kunoita mubereki wemwana. Handizvo. nherera mwana anoziva kuti vabereki ava havasi vake, vake vakashaika. Kuti azviudze kuti ava ndivo vava vabereki vake zvinokwanisika panguva yomufaro asi kana paitika nyaya pamusha, haakwanisi kuziva kuti nyaya yaitika nokuti vabereki havasi vake here kana kuti yaitika sezvinongoita mhuri dzese.

Zvadaro mwana uya osangana nomukomana/musikana vonyengana. Munhu akakura ari nherera akaona munhu anomupa attention yakawanda anobva anamatirana naye. Ndipo panobva nyaya dzakawanda ipapo nokuti anokwanisa kusanyatsohwisisa sezvinoita vana vakakura vane vabereki vese.
Chimwezve ndechokuti nherera kana akura anee chido chokuita mai nababa, anokwanisa kuzodanana nomunu mukuru zvikuru paari. Sokuti mwana ane makore 18 odanana nomurume/mukadzi ava kuma 30.  Chero asingazviziv anenge achitova nechido chokuiva nomubereki kana umwe munhu mukuru untora nzvimbo yomubereki.

Mukatarisa vanhu vakakura vari nherera kumitswa kwavo kwakawanda kupfuura vana vanokutra vane vabereki vese. Inyaya yokutsvaka munhu anomuda. Vanhu vese tine SENSE of belonging. Kuna munhu akashaya hama, anotsvaka hama asi vaya vabereki vatsva vanonetsa kuhava hama zapamoyo.

Zvinokwanisikazve kuti munhu akura asina vabereki ukaroorana naye anokwanisa kuva munhu anokasira kukufungira kuti unokwanisa kutiza pamusha kana kutogwa noumwe mukadzi/murume. Izvi zvinoitiswa nkuti vanhu vese vkakosha kumwana uyu vakamusiya. Iwe wosvikapo wodanana naye wobva waita munhu akakosha kwaari. Musi waunoita mistake unomushungurudza zvakapfuuridza nokuti achasvika pakufunga kuti kukanganisa kwawaita uku kunoreva kuti wava kudawo kumusiya. Uchaonazve uti akaita mwana anokwanisa kuda mwana iyeye kusvika pakusada kuti vmwe vanhu varere mwana uyu.

Idzi inyaya dzokuti kana muri mumba menyu hwisisa kwakabva umwe wako kuti ugokwansa kudanana naye zvakakodzera. Unokwanisa kubatsira umwe wako kuhwisisa kuti unomuda nomoy wose kana watanga wahwiisiisa zvinhu zvinmushungurudza pamoyo nezvinomutyisa.

Mwana aakura ari nherera akada kufanana nomwana akakura arimubvandiripo asinashuwa kutimubereki mutsva anofungei nezvake.

Tadaro ngatizve kuti kune vabereki vanoti kana vada kutora mwana kuita wavo vanorera zvokuti mwana anokura asina dambudziko rokufunganya. Zvinoitika kuti pamwe hama yenyu inoshaika. Mhuri yese inoongorora yoona kuti iwe noumwe wako mumhuri yese ndimi moga munogona kuchengeta vana vasiiwa. ZVinoreva kuti mange musina kugadzirira kugamuchira vana ava, asi matova vaberei. Chinhu chakanak kuchengeta vana vasina vabereki sevenyu. Kune zvakkawanda zvavanofunga uye zvinovashungurudza. Imi sevabereki hwisisai kuti kukura kwevana ava kunoda zvinhu zvakawanda kupfuura venyu vokubereka.

Kune vana vakawanda vakashaikigwanevabereki nguva dzinoti 1990 -2005. Vamwe vavo vakura zvokuti vatova  nevana vavo. Vamwe vari kusanganawo vevamwe vakna vakakura zvakafanana. Pakusangana apa vanonyengana vomitisana kana kuroorana, kana kubika mapoto. Kana uri umwe wevana ava hwisisa kuti makurire awakaita anobata pane zvaunoita nokufunga pamusoro pevamwe vanhu kudanana kwako noumwe munhu kukwanisa kubatwa nekureriwa kwako. Hwisisazve kuti maitre eumwe wako nokudanana kwake newe kunokwanisa kubva pakukura kwake.

Ukaverenga zvinhu zvinoitisa kuti vanhu vakomburene pakudanana kwavo uchaona kuti nyaya dzavo dzamazuvano dzawanda chose kupfuura dzakare. Kare maingoti mukaroorana motogara henyu zvakanaka moita vana venyu. Murume aiziva basa rake mukkadziwo achiziva rake. Mazuvano zvinoita kuti pamwe mutombogara nyika dzakasiyana asi murimukadzi nomurume. Kukomburena kwawanda. Kutya kwawanda, kufungirana kwawanda, kurambana kwawanda, kuhurirana kwawanda, zvigwere zvaawanda, kukura usina munhu anokuda semwana kwaitika kune vakawanda.

Ukahwisisa makurire emunhu wawadanana naye unokwanisa kubatsirana naye kugadzirisa upenyu hwenyu kuti vana venyu vazoitawo upenyu huri nani.

Mubereki kuti avepo uchikura chinhu chikuru chose kumwana. Regai kuzvara vana vamunozoita nherera nokuda kwekuti hamusi kuhwisisana mumba.

Udzai vamwe!!!! 

Monday 27 August 2012

Kufunga kwevakadzi vasina njere


Ndoda kunyengwa nomurume ane mari
Murume ane mari ndiye hake asi hausiwe wega unoda kunyengwa naye. Makatowanda ipapo saka iye haana basa newe. Chii chaunacho chaunofunga kuti achada kupfuura zvevamwe vakadzi.
Tsvaka murume anokuda chete, mari mogadzira mese maroorana. Wadirei kunodya zvausina kubatsira kugadzira. Une maoko maviri sezvakaitawo vamwe. dzidza kushanda uchiwana zvaunoda.

Mari yemurume handiyo murume. Mari inopera muchiri vapenyu saka uchazomuramba here kana yapera? Zvitsvakire murume ane unhu. Variko vakawandisa vari kutotsvakawo vakadzi vane unhu sewe.

Ndini ndamisa chombo chake saka anondida
Chombo chinomira chero murume avete hope chaidzo. Hausiwe wamisa chombo. Hwisisazve nyaya yokuti murume akaona pikicha chaiyo yepamberi pomukadzi, pasina pikicha yomukadzi wacho, chombo chinomira. Usada kunyebegwa kana kuzvinyebera kuti unofanira kuvhurira murume nokuti ndiwe wamisa chombo. Murume ndiye anomisa chombo chake nemafungire ake. Vamwe varume akaona imbwa chaidzo dzichikwirana otomira chombo. Usaudzwa nhema nevarume. Murume akakumisira chombo ukamuvhurira akakukwira, mapedza anotora Lift oenda kumwe. Manheru iwawo anonovata noumwe mukadzi waanomisira futi chombo. Ipapo nhambha yako yefoni inenge iri pafoni yake. Ingari yokuti iwe uri munhu akapusa.

Ndikasamuvhurira anogwadziwa mabhora.
Kana chombo chamira kwenguva yakareba, asina pokuchipinza anokwanisa kugwadziwa mabhora ake ne CONDITION inohi BLUE BALLS. Asi kugwadziwa kwake kushomanana nokugwadziwa moyo kwauchaita ukatadza MANAGEMENT yeRELATIONSHIP yenyu after akurhoja kana kukuisa mimba. Kana zvichimugwadza muudze ashandise maoko ake. Hakuna munhu asingazivi kuti maoko anobvisa zemo.

Ndikamuvhurira achawedzera kundida.
Ukamuvhurira watoderedza kukuda kwake kana musina kuroorana. Anobva atofunga kuti unovhurira vamwe varume. Watokanya nyaya yako apa. Kana kukuroora achatononoka nokuti atova nomukadzi wekuvata naye. Anoudza shamwari dzake kuti hausi MARRIAGE MATERIAL. Ukaterera varume vechidiki vachitaura unohwa achiti "Madeko ndakazonoguma ndava kuhure rangu rokuTaundhiship riya. Haa varume mwana anochemerera zvisingaiti uya." Ipapo iwe unenge uchitofunga kuti unodanana nomunhu, Kutochinja STATUS yako paFACEBOOK kwayi "IN A RELATIONSHIP". Chitarisa yake uone kuti yakahi chii? Kuvata nomukomana hazvirevi RELATIONSHIP. Zvinongoreva kuti hauna unhu.

Kana ndikaita mimba anondiroora.
Ukaita mimba asingazivi nhamo yako yatotanga. Mukadzi nomurume vanofanira kutanga vabvumirana vasati vaita mwana. Mimba yokuda wega haiiti zvachose. Siyana nokufunga kwakadai. Kana wada zvokuvata nomurume enda kwaDOCTOR utange mapiritsi kana majekiseni. Kondhomu rikabvaruka mukira kundopiwa Morning After.

Ndikaita mimba ndinotizira mukomana. 
Kana usina kumbosvodeswa, nokutyiswa nokusaziva zvokuita, imboenda pamusha pane musikana atizira achiti nokuti ane mimba uone kuti anobatwa sei nehama dzemurume. Inguva inotyisa chose zvikuru kana musikana wacho ari mwana mudiki 18-20. Kutizira hachisi chinhu chakanaka zvachose nokuti hauzivi kuti unonosvikepi nenyaya yako.

Murume acharamba mukadzi wake agoroora ini
MaSmall House akawanda nemahure akawanda vanofunga seizvi. Kuzvinyebera kwemunhu akachipa kuvata naye asina future pamurume uyu. Murume akaramba mukadzi wake akakuroora akaita mwana newe, hazviiti kuti arege kuhura agoda kukuramba kana awana umwe mukadzi.  Ari kuhura newe nokuti ari kutadza kugutsa mukadzi wake. Munhu asingahwisisi vanhukadzi. Iwe uri kufunga kuti uri kuguta nenyaya yokuti uri kuvatazve neavo vamwe varume vanokupa mari yeRENT sezvinoita uyu wauri kufungira kuti acharamba mukadzi wake. Asizve mahure akawanda anogarofunga kuti achawana murume wekuroorana naye. Zvechokwadiwo ukamira kuhura unokwanisa kuwana murume wekuroorana naye, asi uyu wauri kuda kuti asiye mukadzi wake haasiyi.

Ndoda kufuhwira murume
Kutambisa nguva yako nemari yako kutenga mishonga isina kana zvainoita. Fuhwira hako asi iwe ndiwe uchatoita fungwa yokuti pane zvawaita asi pasina.  Kana uchiziva mushonga unoshanda chaizvo, ndinyorere ndikugadzirire uite Millionnaire nawo gore risina kupera. Wadaro murume wako achakudira mari yako. Usaita murume wako EXPERIMENT yemishonga yokwa Mai nhingi. Tarisa vakadzi vemuraini vakarambwa kare uvabvunze kuti sei mifuhwira yavo isina kushanda ugoterera zvavanotaura. 

Murume wangu achazorega doro/fodya/makasi/mbanje/chihure taroorana.
Kana maroorana ndipo paanotowedzera pazvinhu izvi. Anoziva kuti iwe unenge uri pamba uye hakuna kwaunoenda saka iye anouya chero nguva yaada.  Usada kuchinja murume maroorana. Sarudza murume anoita zvaunoda pakunyengana kwete maroorana. chaunomhanyira kuwanikwa chii makore ari pasi pe 35?

Ndikamuregerera haachazondirovi
Hakuna murume anorova mukadzi kamwe chete achizorega kurova. Chero akaripiswa chero akagariswa dare chero akasungiswa achatokurova chete One day soon. Hazviiti kuti arege. Kukurova kwake kunoitiswa ne POOR COMMUNICATION SKILLS riri dambudziko raanaro risina mushonga. Kana wada kumuregerera chiita uchiziva kuti ndizvo zvaari uye achakurova futi manje manje.
Solution mbiri dzaungatozama kumukurira simba kuti azive kuti akaita hasha ndiye anorohwa, kumusungisa each time yaanokusimudzira ruoko.

Muroora uyu ari kunetsa hazvanzi yangu. Ndoda arambwe. 
Ukaona watanga kufunga seizvi chiziva wega kuti unovenga muroora wako vese nehazvanzi yako, nevana vavo. Munhukadzi anofanira kuhwisisa kuti nyaya dzomumba dzinoda kugadziriswa dzonaka vanhu vose vofara. Kurambisa hazvanzi yako mukadzi kusahwisisa DYNAMICS dzemhuri. Vana vehazvanzi yako vanoda vabereki vaviri. Chero zvodii iwe haumbozoiti mubereki kuvana ava saka uri kutovapa poison iwe uchifunga kuti wagona.

Munhu akangwara anotanga kutaura nehazvanzi yake achiiudza maonero anoita vanhukadzi kuti ahwsise kuti chii chiri kukanganisika mumba make. Kana iri nyaya yokuti hazvanzi yaita hure iwe ndiwe unotoita peptalk muroora kuti azame kuregerera asi uku uchituka hazvanzi nokukanganisa kwayaita. Mangwana murume wako akahura, hazvanzi iyi ndiyo ichatonga nyaya yenyu. Muroora uyu ndiye achakubatsira kuchema kwako.

Munhu akangwara anowedzera hama dzapamoyo kwete kuunganidza vavengi.

Murume anoda ini kupfuura uyo
Bodo hama yangu.Murume ari kungohura newe chete. Haunetsi kukwira saka akakusarudza kuti uite hure rake. Uyo umwe  musikana ndewekuti kana oda kuroora agoroora. Iwe wosiiwa kuti utsvake umwe murume wekuhura naye akamirirazve kuroora munhu kwaye.  Hwisisa apa. Mahure ese anofunga uti anodiwa kupfuura mukadzi wemumba iri nyaya yokuti mapedza kukwirana murume anokuudza kuti mukadzi wake haagoni chikapa uye haagezi sewe. Iwe wozvibvuma nokuda kwekusahwisisa vanhurume vanohura.

Hatisi kudanana. Murume uyu ishamwari chete.
Murume murume chombo chake chinongomiswa nezvinhu zvinomisa vamwe varume. Iwe munhu uyu haasi mwana wamai vako saka ukakanganisa kugara akaona zvaaona anongomirawo zvinoita vamwe. Zvokuti ishamwari yako izvo musi waunotukana ne Boyfriend yako ukatizira kushamwari iyi kuri kutsvaka wekukubatsira kuchema, anochema newe agokukwira futi agokurambisa agotadza kukuda zvakare.

Munhu itawo shamwari dzechikadzi dzisina ma Issues akawanda. Kana wada dzechirume, wirirana nehazvanzi yako umuudze zvese zvinoudzwa zviri pamoyo. Shamwari dzechirume hadzina kusiyana ne spare boyfriend. Kuzvitsvakira matabudziko akawanda.

Murume wangu ahura saka ini ndoda kutsiva
Mukadzi anoti murume ahura iye oda kuhurawo kutsividza zvaitwa nomurume munhu asina kana njere. Kana murume wako ahura iwe ingofunga kuti wotonga sei nyaya yako. Kana wada kumuregerera regerera uchiziva kuti achahurazve. Kana wada kumuramba murambe uchiziva kuti iwe pachako Market value yako yadzikira nokuti wave DIVORCEE, mvana, kana second hand goods, anova mazita auchadaidzwa navanhu. Hazviiti kudzokera pausikana. Hino ukazohura pamusoro pazvo, vanongowedzera rimwe zita rokuti hure. Murume wako anongoudza vanhu kuti wakahura. Nyaya yatopera. Hakuna hama yake kana yako anombozofunga zvokuti murume ndiye anga atanga kuhura. Society yedu haibvumiri kuhura kwemukadzi asi kwemurume vanongokuudza kuti muendese kudare nyaya itongwe.

Ndoda kunyima murume nokuti anditsamwisa
Kana muri mumba menyu murume asina kukuhurira, haumbofaniri kumurambira chero zvodii. Ipapo pakutsamwa ndipo paunotomuudza kuti uya ukwire ndivate. Asi kuvhura makumbo unotovhura chete. Akada kuramba iwe wotomuudza kuti ava kutowedzera kukutsamwisa. Vanhu vakaroorana havafi vakasvika pakunyimana vachiti nokuti vapopotedzana. Kana wakatsamwa usataura naye, usamutarisa, saka fongora aite ari shure uko iwe zii zvako asi shanda murume agute, asawana chimwe chinhu chaanoti wakaita chingahi chakaipa mumba. Kana iwe wati iye akanganisa iwe chitaridza kuti haukanganisi.

Nyaya yokunyimana mumba iyi ndiyo nyaya inokanganisa chose magarire evanhu vakaroorana. Kazhinji mukadzi ndiye anotanga kunyima murume, zvabva pa FRUSTRATION yekusaita hanya nomukadzi kwemurume. Asi nyaya dzese idzi inyaya dzamunofanira kunge magadzirisa musati matanga kugara mese. Kutizira uye kukasira kuroorana musina kuwana nguva muchidanana, kunoita kuti mushaye nguva yokuronga magarire enyu.

Hazvifaniri kuti mukadzi/murume arambe kuvata noumwe wake musina kurambana. Kana kurhizena kwese kwapera, musisahwisisani zvachose, chinhu chinofanira kuramba chiripo kurhojana. Uchaona futi kuti ukavata nomurume wakatsamwa, unopedzera shungu pachikapa, zvadaro mapedza unokwanisa kuhwa shungu zvokutochemedza nazvo, iri ngari yokuti unofunga kuti uyu murume wangu wandinoda asi iye anondishungurudza. Zvadaro uchaona murume oitawo sokuti munhu kwauri. Munokwanisa kuzotaudzana agokumbira regerero, mozovata nyaya yapera, kuseni moisanazve nomufaro. Kunyimana bodo, zvachose. bodo,

Udzai Vamwe!!!!!






Sunday 26 August 2012

Kubvisa mimba (kubvisa pamuviri)

Vakadzi vakawanda munyika dzakawanda vanobvisa mimba dzavo pasina kana rizheni ine musoro. Pano toda kutaura nenyaya iyi kuti tihwisise kuti inofamba sei. Ngatitange nokubvumirana kuti mumimba mune mwana. Mwana munhu mudiki hake asi munhu ane zvese zvatinazvo kungotiwo imba yake yaanogara udumbu ramai vake. Ukabvisa mimba unomuuraya asati atomboziva kuti ndiwe mai vake. Hachisi chinhu chokungoita pasina chimwe chinhu chikuru chakuitisa kudaro. Dai varume vachihwisisa nyaya yokubvisa mimba dai mimba dzinobviswa dziri shomanana. Vana vanourawa vasati vazvagwa vakawanda kupfuura vanhu vose vakafa muhondo dzose dzakaiti mupasi rese nguva dzese kubva pakasikwa denga nenyika. Vakawanda, zvikuru muUSA ne EUROPE ne Africa.

Mimba inobviswa nani?
Vakadzi vakawanda vemazera akawanda vanoufumi hwakasiyana siyana, vakadzidza zvakasiyanasiyana vanozviita. Idambudziko revakadzi vese kukumbanidza vanopinda chechi nevasingapindi chechi. Kune vakahwisisa kuti mwana kana ari mudumbu mwana chaiye anenge ari munhu ndivo vanotambudzika nenyaya yokubvisa mimba.

 Kozoita vamwe vanoudzwa kuti mwana kana ari mudumbu i FETUS kureva kuti chimwewo chinhu chichazoita mwana kana chazvagwa. Ava havanetseki nokubvisa nokuti mimba haasi mwana.

Ndiwo mapoka maviri evakadzi  vanobvisa mimba zvokuti vakawanda vanoti mwana vanobvisa imwe chete vomira asi avo vamwe vanokwanisa kubvisa dzakawanda.

Asi vashoma vakadzi vane varume vanovada vanobvisa mimba. Murume/mukomana wako akamira newe kuti shuwa mimba ndeyake uye anotofarawo nazvo kuti waita mimba, fungwa dzokubvisa hadzitomboiti mumusoro momukadzi akadai. Kubvisa mimba iDESPERATE ACT yokushaya zvimwe zvokuita paitika nyaya yokurambwa nomurume nokuti mukadzi ava nemimba.


Inobviswa yakura zvakadii?
Mimba kana wada kubvisa zviri nani kuibvisa iri diki sokuti pasi pemwedzi mitatu.

Mimba inobva yega.
Pane mimba dzinongobva dzega. Kazhinji kana foroma yemuchibereko ikaona kuti mwana wayagadzira akaremara zvakanyaya inomira kuumba mwana yomudzinga muchibereko nokuti yatadza kugadzira mwana weQuality yainoda. Mimba inobva nomutowo uyu inohi SPONTANEOUS ABORTION, kureva kuti zvinongoitika zvega pasina iwe muridzi zvawaita.

Kana ikabva yati kurei inohi Miscarriage. Kusiyana kwe SPONTANEOUS ne MISSCARRY inongova nguva chete.

Zvinofungigwa kuti mimba dzinobva nomutowo uyu dzakawanda chose uye dzinobva dzisati dzambopedza mwedzi kana umwe chete zvokuti mukadzi haambozivi kuti ange ane mimba. Zvinoitigwa kuti vana vanozvagwa vange vasina kuremara. Chibereko chinoziva kana mwana ane zvimwe zvakaremara paari zvingaitisa kuti asagona kuita upenyu hwemunhu. Saka apa chibereko ndicho chinenge chakanganisa basa.

Kozoitazve dzimwe mimba dzinokura chibereko chisingaoni kuremara kwemwana asi vekuhosipitari vovheneka vokuudza kuti bvisa. Kana ukabvumirana navo wobvisa vamwe vanoramba kubvisa.

Koitazve kuti mimba inokura asi mwana woshaikira mudumbu. Ukaenda kuhosipitari vanokuudza kuti mwana haana HEART BEAT saka akatoshaika, vanokupa mushonga wekuti uzvare mwana. Zvinogwadza moyo kuzvara mwana ashaikira mudumbu zvokuti mukadzi anowanza kupiwa Counselling. Pamwe vese nomurume wake. Hazvizikamwi kuti chinokonzera mwana kushaikira mudumbu chii.


Mimba inobviswa Mukadzi asingadi kuti ibviswe. 
Zvinokwanisika kuti kana mukadzi ane mimba poitika chimwe chinhu chinoita mimba ibve. Zvakawanda zvinhu zvakadai.

Accident yemota/bhazi/chitima kana zvimwe inokwanisa kubvisa mimba kana kukonzera mimba kuti mwana azvagwe nguva isina kukwana.

Kurobwa nomurume kunobvisa mimba dzakawanda. Varume vanorova vakadzi havahwisisi nyaya yokuti ane mimba. Mukadzi anokwanisa kurakashwa nomurume otsikwa dumbu mimba yobva.

Kubatwa chibharo nomurume wako kana noumwe murume zvinokwanisa kukutyisa zvokubvisa mimba.

Mimba Yokubviswa Inobviswa sei?
Maitire ekubvisa mimba akasiyana siyana. Kune vanobika mushonga vomwa. Mushonga uyu unokwanisa kuuraya mai nomwana vose. Ukaudzwa nomunhu wemuraini kuti mimba inobviswa sei usaterera nokuti unokwanisa kufawo iwe. Pamwe unogwara asi wozoita zviri nani mimba yako uchingova nayo. Pandaiva kuZimbabwe ndakabvunza vakadzi vanopfuura 200 kuti mimba dzinobviswa sei vakandiudza zvimwe zvinhu zvinotyisa kunyora pano. Handidi kuti pawanikwe musikana umwe chete hake anozvizama saka handisi kuzvitaura pano. Asi kungoti maitire okuita mumusha anokwanisa kukuuraya. Zviri nani uende kumadhokotera kana waita mufungo wekubvisa mimba. Asi kusabvisa ndiyo OPTION yakanaka paupenyu hwako.

Ukaenda kumadhokotera anobvisa mimba, kana iri diki vanokubaya jekiseni vokupinnza muromo we VACUUM CLEANER muchitubu kusvika kuchibereko voisa magetsi, Vacuum iya yokweva mwana sezvinoitwa marara mumba, mwana obva muchibereko oenda muVACUUM Cleaner, nyaya yatopera. Pamwe vanotanga vauraya mwana achiri muchibereko vozoisa VACUUM CLeaner. Asi kazhinji vanokudza muromo wechibereko, voisa chubhu ine zvimapanga zvinopinza kumuromo kwayo chubhu yacho. Vadaro vokonekita chubhu yacho ku VACUUM CLEANER iri kuno kuzhe voisa magetsi. Chimwana chinenge chiri chidiki uye chisina mabhonzo saka chinokweviwa chochekwachekwa zvidimbu zvomuviri zvopinda muchubhu iya zvopedzisira zvava muVACUUM CLEANER iya.

Pane vamwe vakadzi vaviri vakambouya kubasa kwedu vakatiratidza vidhiyo yacho. Ndinofunga kuti munhu wese anoda kubvisa mimba dai atanga aiona vidhiyo iyoyo kuti anyatse kuhwisisa kuti zvinoitwa sei. Varume vese vanoudza vasikana vavo kuti vaende kunobvisa mimba vanofanirawo kuona kuti zvinoitwa sei. VERY EDUCATIONAL.

Unofanira kuzodzokazve kuti vatarise kuti hapana chakasara here muchibereko. Kana zvirimo vanozvigeza nePROCEDURE inohi D&C.

Kana mimba yakura vanokupa mushonga wozvara mwana sezvinongoita vanozvara vana vapenyu. Mwana wako anozvagwa ari mupenyu asi nguva yake isati yakwana, vokuchipatara vomuisa muchitawero chemapepa vomirira kusvika afa voendesa ku Incinerator kunopisa. Mai vake vanenge vasipo paanopiswa vanenge vatoenda kumba kwavo.

Paunopedza kubviswa mimba unokwanisa kumboti garei muchipatara sokuti 4-5 hours, vokutarisa kuti hausi kubuda ropa here, vokuti chienda kumba. Zvapera.

Unokwanisa kubuda ropa rakawanda zvokuti vanokuchengeta muchipatara kusvika zvapera.

Zvakaipei kubvisa mimba?
Pane nyaya dzakawanda apa dzimwe dzacho ndichadzinyora pano kuitira vaya vanofunga kubvisa mimba. Chinoitika kuzvipatara uko ndechokuti vanongoterera zvaunoda kuita voita. Havana basa nokuti uri ani kana kuti upenyu hwako huchafamba sei.

Unokwanisa kuzoita imwe mimba here? 
Ukamirira nguva yakakwana unotangazve kukandira mazai mwedzi umwe noumwe uchienda kumwedzi zvokuti ukavatazve nomurume usina mapiritsi kana kondhomu, unoitazve imwe mimba. Mimba hachisi chinhu chinonetsa vakawanda kuita. chinongonetsa injere dzokuziva kuti zemo rine simba kupfuura musoro saka zviri nani kusazviisa panzvimbo yakaoma yokuti uku uri kuona chombo chimire chinoda kubatsigwa newe, uku iwe bhurugwa hauna, uku kondhomu pauviri hwenyu hamuna.

Kana uchiziva kuti zvokuiswa unozvida asi murume hauna, gara une makondomu ako muhandbag mako kuti ukasangana nomurume aunoda kurhojana naye, kana asina kondhomu, iwe unaro. Moisana henyu makasununguka pachihure chenyu.

Varume panyaya yekubvisa mimba. 
Chinhu chinobvisisa mimba dzakawanda panyika munyika dzese iATIITUDE yemurume anenge akonzeresa mimba yacho. Varume vakawanda vanoti ukamuudza kuti kunakigwa kwedu kwataiita mwedzi wese wakapera kwandiitisa mimba, anobva atosvetuka pamubhedha paange agara kuti mutange kurhojana, chiya chombo changa chatomira kuti muite choti fototo, iye otanga kukupopotera sokuti wange uchizvirhoja nguva yese iyi. Ipapo achitaura kudaro imba yese haina kana kondhomu rimwe chete asi ange ava kutokumisira chombo kuti arhoje, Bhurugwa hauchina ipapo, asi ari kukupopotera kuti sei waita mimba nourume hwandanga ndichikudira muchitubu mako. Iwe ukada kumutaurira kuti urume hunoitisa mimba ndosaka ndaita mimba, wotoonekwa sokuti uri kutaura nhema. Pamwe wotodigwa mbama kuti hauzivi BIOLOGY yevanhu.

Varume havadi kukasira kusapota mukadzi aita mimba yake. Unohwa oti handisi READY asi ipapo mukadzi aita mimba asiri READY futi. Murume anoti enda unobvisa mimba.  Kana uchida kuziva kuti mukomana wako anokuda zvakadii, mukavatana kwemwedzi miviri umwe musi wakamirira kuenda kumwedzi mutumire TEXT yokuti une mimba. Ndipo paunoona ma TRUE COLOURS ake.  Vakawanda havanonoki kukuudza kuti enda unobvisa uye usatsika kumba kwake futi. Asi vhiki yamakatanga kuvatana iye ega akakuudza kuti ukaita mimba anokuroora. Nhasi mimba yavapo ava kuti haachakudi.

Varume vanokonzeresa mimba dzakawanda kubviswa nevasikana nokuda kwechihure kana kusada kubvuma mimba yawaisa munhu mese musiri READY asi mese musingadi kumirira kuwana mapiritsi kana kuti kupfeka kondhomu. Mese menge mashaya njere pakadai asi musikana anozosara nemimba oga murume apoya akaenda.

Varume vanodaro nokuti kurhoja vanokuda chose asi RESPONSIBILITY havadi. Isuwo vakadzi tava nefungwa yokuti Ndikasavhura makumbo ndinorambwa. Ipapo murume haatodi kuti musikana wake waanoti MArriage Material avhure makumbo kufanana nevaya vaanoti havasi Marriage material. Murume anenge achida kuti akarhoja vasikana vakawanda, ava kuda kuroora otsvaka mhandara oroora oipa chigwere.

Kubvisa mimba murume asingazivi:
Mazuvano echihure kune vakadzi vakawanda chose vanobvisa mimba murume asingatombozivi kuti mukadzi aita mimba. Toti wahura ukaita mimba murume achishanda kuBULAWAYO kana kune imwe nyika iwe musha uri kuKwekwe. Zvinoita chiose kuti ubvise mimba murume akasamboziva kuti wange une mimba. Uyawo murume akupa mimba, iwe mumoyo mako unoziva kuti haanei newe pamoyo. Munhuwo aunongoshandisa kunakigwa naye murume wako chaiye asipo. Munhu ae utsinye hwekukwanisa kuhura munhu anokwanisazve kubvisa mimba. Mudzimba umu mune vakawanda vakabvisa mimba dzevarume vasiri vabo vemumba, zvokuti hapana kana anotomboziva kuti mimba yabviswa.

Zvinoonekwa zviri nani kubvisa mimba pane kuichengeta worambwa nomurume wako nenyaya yokuhura. Ipapo murume wako ari kukuramba ane vanawo muraini, uye kune miba dzakewo dzakabviswa muraini. Saka zvinozoonekwa sokuti chakaipa kubuda pachena kuti wahura, saka ukabvisa EVIDENCE yese haurambwi.

Vamwe vanongoti akabata mimba, murume ari JONI, okasira kunovhakasha Joni kuya kuti murume akwanise kurhoja agodzoka oti ane mimba yomurume kuti zvisazonetsa mberi uko.


Vakadzi 
Kozotiwo vakadzi vanongojaira kubvisa mimba. MuEurope vakawanda vanhu vakadai nokuti hazvinetsi kubvisa mimba.Varume vanenge vavapa mimba havatombozivi kuti akaita mimba kana kuti akabvisa.
Kazhinji mukadzi wacho anenge asingatombozivi kuti ndeyani nokuti vanhu vanovata nevarume vakawanda. MaZimbo akadai ariko asi iminority.

Kubvisa mimba inyaya yedu isu vakadzi, hamakadzi dzedu, vanunguna vedu. Tisu tinofanira kugaroudza vachiri kunyengwa kuti dambudziko remimba rinodzivirigwa sei. Kana musikana amboravira chombo, zvinonetsa kumuudza kuti asavata nemukomana wake, asi ngaakasire kuuya nomukomana wake pamusha mhuri yake imuzive kuitira kuti pakaita mimba tese tikasire kusapota mwana padambudziko rake. Kana achida kudzokera kuchikoro mupei mukana wacho kwete kudzinga mwana pamba kumuendesa kumukomana asingamudi. Zvinobatsira ani izvozvo. Handisi kuti haisi mhosva asi kuti ongororai SITUATION yamuri kuisa mwana wenyu. Kubvisa mimba kunobaya moyo wemunhu wacho anobvisa zvese neshamwari dzake, hama dzake, etc. Hazvisi nyore.

Kuti azobvisa mimba anenge ashaya zvimwe zvokuita. Achingobvisa mimba mukomana uya wamupa mimba anomuramba futi. Haisi situation inogadzirika. Ndakambobvunza umwe kuti sei uchiramba musikana zvikahi nokuti akauraya mwana wangu asi ndiye aiti mimba haisi yake. Ndiye akamudhiraivha akaenda naye kuhosipitari yokubviswa mimba. Vadzoka, aona kuti mimba yaenda ava kuti haachamudi nokuti akauraya mwana wake. Varume vakawanda kukwana chaiko havana kukwana.

Iwewo musikana hwisisa kuti kuiswa urume kunoitisa mimba. Kana ukaona mukomana wako achikupa puresha yokuti uvhure makumbo, muudze kuti zviri nani kuratidzwa kumhuri dzenyu kudanana kwenyu koita public. Kana achizviramba ziva kuti ane umwe musikaka ava kuzikamwa kwavo saka iwe chisiyana naye utsvake umwe akasvinura.

Chinoita kuti avate newe asi achiramba kuti muudze vabereki venyu ndechokuti haafungi kuti uri MARRIAGE MATERIAL.  Anongofunga kuti uri hure zvaro rokungorhoja nokupiwa mari yebhazi kuti udzokere kwawabva kwacho.

Mai vemusikana.
Vanamaivo kurudzirai vanasikana venyu kuva pedo nemoyo wamai uye kusununguka kutaura namai vake. Mwana asati aita chinhu chikuru sokuvhurira mukomana, ngaahwe akasununguka kubvunza mai vake kuti anoziva sei kuti nguva yakwana. Mai vanogarisa mwana pasi votsanangura zvese mafambire azvo. Kana uchiona kuti zvinokunetsa kutaurira mwana, tanga musi waanotanga kuenda kumwedzi, zvadaro iwe mai chichengeta mazuva emwana ekumwedzi kuti akakasirisa kana kunonoka unge uchiziva kuti ndizvo zvaaita, Uchiwana mukana wekutsanangura kuti musikana akura zvokuenda kumwedzi anokwanisa kuita mimba saka asati avata nomukomana ngaakubvunze kuti anofanira kuita sei kuti asaita mimba.

Hwisisaizve kuti zemo rine simba kupfuura zvimwe zvese zvinoitika mumuviri wemunhu. Iwe kana wakatadza kumirira musi wemuchato, usafunga kuti mwana wako ane zvinomugonesa kumirira. Kuudza mwana kuti asavata nomukomana hakurevi chinhu. Anongoti uku hana iri kurova nokutya uku ari kuiswa nomukomana achitochemererawo sezvawakaita iwe musi wekutanga uri musikana. Chikuru kuti mwana namai vagare moyo yavo iri pedo napedo vachiudzana mashoko anovaka upenyu.

Kune vaya vasina varume, maitire ako pamusha wako nevana vako makuru kupfuura mashoko aunoudza vana vako. Kana uchigarounza varume  pamusha vana vachizviona, usafunga kuti vana vachaita zvakasiyana naizvozvo. Kuda kwaunoita iwe chombo ndizvo zvimwe chetezvo zvinoita vana vako. Kupopota hakuna chakunounza.


UDZAI VAMWE!!!!

Kubvisa nhumbu
Arbotion