Thursday 13 December 2007

Varume vedu

Asikanaka, ngatidei varume vedu mumba zvinoitwa zviitwe nomoyo wose mumba. Kana tatukana mumba, ndezvefungwa izvo. Muviri haunei nokutukana kwedu kwefungwa saka unongofanigwa kupiwa zvaunoda zvacho. Murume haafanigwi kuregedzwa achingovata pasina zvaitwa kuzhe kwekuti anogwara kana kuti ini ndinogwara.

Ndiwo mafungire angu. Nyaya dzese dzinodiwa nomurume pakuvatana ngadziwanikwe mumba medu. Munhu sunungukawo mumba mako ugarotaura nomurume uchuhwa zvaanoda, uchibvunzawo kuti "baba Chimwana moda kuti ndidii nhasi? taurai maitire amunoda nhasi ndihwe, kwete kungoita zvamakaita nezuro. Imbochinjaiwoka nhasi tione." Taura uchisekerera murume muchitamba kuti azive kuti ane freedom yacho yokutaura zvaanoda kuti zviitwe. Asiwo akazotaura chirega kumunyima chibva wazamawo kumuitira zvaanoda.

Mapedza, bvunzanai kuti zvange zvichinaka here. Mukadzi ndiye anotanga nokutenda kunaka kwemurume. Unokwanisa kungozowedzera mashoko okupa murume mazano, sokuti akakasirisa kupedza, unokwanisa kumuti " Haa wangozoti kasirei kudiridza hako asi zvange zvichinaka zvokuti. Zvirambe zvakadaro. Ndinoda maitire ataita nhasi. Zvinonaka."

Murume akachenjera anobva abvunzawo mibvunzo kuti anyotsohwisisa. Motobvunzana mese.

Murume nomukadzi mese munofanira kugara mune Konifidenzi yokuti chero zvodii murume/mukadzi ndewangu. Hapana musi wandinouya kumba ndikarambigwa.  Musi waunofunga zvokurambira umwe wako, unochinja Relationship yenyu kwemakore akawanda. Ruvimbo gwange guripo gunobva mosara mava vanhu vasina shuwa kuti muri papi pakati penyu. Anoda kukumbira zvaanoda anoita DOUBT.